Uncategorized

Pamaive kuPaseka mai B vakarwa namai Titi

06 Apr, 2018 - 00:04 0 Views

Kwayedza

NDINONAMATA kuti dai kuzvininipisa kwedu paPaseka tichigashira chidyo chemuviri waShe kwagara. Neniwo handiwirirane nenyika nekuda kwekundiita kuti ndikanganwe Mwari kwainoita.

Nyika inojobora nekubvanzura-bvanzura runyararo rwePaseka. Madzokera kudzimba dzenyu mushure mePaseka, muchabatiswa maDotcom akasara achiitika, asi imi hamubatise vakasara kuPaseka maDotcom ekufa nekumuka kwaJesu. Muchidzokera kumba mushure mePaseka, muchawana vemakuhwa vachiti pamaive kuPaseka mai B vakarwa namai Titi.

Saka zvatakadya muviri waShe nekunwa ropa rake tichirangarira kufa kwake, todzokera here kunodya nekunwa zvenyika? Ko minamato yese yatakaita paPaseka yekuti nesuwo tirovere nyama dzedu pamuchinjikwa nekuchiva kwadzo?

Ini Paseka yakandiendesa kunyika iri kuna Johani 20. Ikoko ndakanzwa nyaya yandave nemakore ndichiziva uye ndichitaura, asi gore rino yakandibatisa maDotcom erimwe divi raMwari randakanga ndisati ndamboona.

Ndakaona Mwari paPaseka yadarika iyi, uye nanhasi ndichiri kushamisika naMwari.

Mushure mekunge Jesu afa, mutumbi wake wakaiswa muguva nemusi weChishanu. Musi weSvondo, Maria Magadharina akafumira mangwanani-ngwanani kuguva kwaJesu, asi akawana guva ravhurwa, dombo riri parutivi.

Maria aona chishamiso ichi, akamhanya kuna Peter naJohani kuti anovaudza kuti vanhu vaye, maJudha aye akanga abvisa mutumbi waJesu uye hameno kwavakanga vauendesa.

Peter naJohani havana kuzomira pavakanzwa mashoko aya. Vakamhanya vachienda kuguva. Johani akasvika akadongorera muguva ari panze, asi Peter paakasvika, akasvikopinda mukati meguva.

Johani akazopindawo achitevera Peter vakaona kuti chokwadi mutumbi waJesu wakanga usimo muguva.

Vaona kuti mutumbi waJesu hamuna, asi munongova nemachira chete, Peter naJohani vakabva vadzokera kudzimba dzavo. Asi pavakadzokera, Maria haana kudzokera, akaramba akamira paguva achichema. Akazodongorera muguva zvakare, akaona vatumwa vaviri.

Apa ndipo panotangira nyaya yangu.

Peter naJohani vakanga vatopinda muguva chaimo vakatarisa pakanga pakaradzikwa mutumbi waJesu, asi Maria haana kupinda muguva. Peter naJohani vakanga vadzokera kudzimba dzavo, asi Maria haana kudzokera kumba.

Maria akanga asiri mudzidzi waJesu asi akaramba achitsvaga Jesu. Peter naJohani vadzidzi vaJesu vakadzokera vasina chavaona, asi muguva mavakanga vapinda imomo, Maria akaona vatumwa vaviri. Denga rinozviratidza chete ukaramba uchitsvaga nekuti Jesu akati, “Muchanditsvaga mukandiwana, kana muchinditsvaga nemwoyo yenyu yese.”

Maria akaona vatumwa vasina kuonekwa naPeter naJohani, nyangwe zvazvo vadzidzi vaviri ava vari ivo vadzidzi vanganzi ndivo vaive pedyo-pedyo naJesu. Maria akaona vatumwa, uye vakatomutaudza. Maria paakazocheuka akaona Jesu. Maria ndiye akava munhu wekutanga kuona Jesu amuka.

Havasi vanhu vamunotarisira kuti ndivo vakakodzera kuona Mwari vanomuona. Maria ndiye akaudzwa naJesu kuti asamubate nekuti akanga asati akwira kudenga kuna Baba vake, naBaba vedu. Maria ndiye akatanga kunzwa nhau dzakanaka dzaive dzisati dzanzwikwa nevanhu vese.

Jesu asati afa aitaura kuti, “Baba vangu,” asi amuka, akatizivisa kuti Baba vake vave Baba vedu. Pane chakashanduka nerufu rwake. Patakanga tiri kure naMwari, rufu rwake rwakatiswededza kuti tive vana vaMwari.

Kana ukakurumidza kuregedza kutsvaga Jesu haumuone. Peter naJohani vakakurumidza kurega kutsvaga Jesu. Asi Maria akaramba achitambudzika kuti Jesu aenda kupi. Nekuda kwekurambira pakutsvaga Jesu, Maria akaona Jesu. Akataura naJesu. Akatumwa naJesu.

Maria akave chapupu chekutanga chekutaura kuti Jesu amuka, Jesu mupenyu. Usanete kutsvaga Jesu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey