Pamitauro simukai mese muenzane

05 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

VABEREKI vanorwarira kuti vana vavo vagone kutaura chiRungu bedzi mutauro waamai uripo musavape mhosva. Uyewo, regai zvenyu kupa mhosva kune vaya vanoti havagoni kunyora kana kuverenga zvinyorwa zvakanyorwa nemutauro waamai.

Kana vachitaura kuti vakafoira Shona kana Ndebele, vanonzwa kunge zvinotoshamisira, uyewo vamwe vavo pavanenge vachitaura vanenge vaine kakudadira kokunge mitauro yaamai haina basa. Chakabaya chikatyokera!

Zvino bumbiro idzva rakauya nehoko, hoko yechiororo chemitauro. Ndokusaka zvichinzi china manenji hachifambisi, asi kana chasvika, rinenge dharamedha chairo.

Heyo mitauro iya yese iri 16 yakanzi bvu-u pachena. Hapana achatiza. Unotizira kupi kwavasingakoshesi mitauro yavo?

KuSouth Africa muzvikoro, mukushambadza nhau vanoshandisa mitauro yese inocherechedzwa nebumbiro ravo romutemo.

Dzimwe nguva unoona pamamwe ma”website” akaita seNews24.com nhau dzechiRungu dzakasangana nenhau dzakanyorwa nemitauro yechiZulu kana chiXhosa.

Endai zvakare kuBotswana. Munonoona ngoma ndiyo ndiyo. Zvimwe chete nekuZambia. Kana kuri kuKenya neTanzania, haikona kutaura! Muhurukuro chaimo, havatauri nechiRungu pese pese sezvatinoona vanhu vachiita muno vopedzisira vatapwa mukanwa nekuda kutaura nechiRungu chete.

Zviri pachena kuti masangano enhau pamwe chete nezvikoro vave nemutoro wavasati vambotsiga kubva pakapambwa nyika ino makore anodarika zana apfuura.

Havasati vambozvionawo kubva apo nyika payakawana kuzvitonga kuzere muna 1980. Pfungwa yavazhinji yakange iri pakuti mitauro mitatu inoti English, Shona neNdebele ndiyo icharamba yakabata nyika.

Vamwewo vaine pfungwa yokuti kutambisa nguva nokuti Shona neNdebele zvinongodzidzwa kuzvikoro, pasina zvizhinji zvazvinobatsira kunze kwokushandiswa kumatare emhosva, kunziyo nemakwaya, nokupawo vamwe vanhu mabasa ohurairidzi.

Vashoma zvikuru, kana varipo vanofungawo kuti iyo mitauro yedu iyi ikaramba ichivandudzwa inogonawo kukwikwidzana nechiRungu mune zvese, kusanganisira iko kunyaya dzeScience, Technology, Engineering neMathematics (STEM).

Ndinozviziva kuti pana muzvinafundo waMukwende akamuudza kuti hazvigoneke kuti chiShona chidzidzwe nokunyorwa nemazwi echiShona, nokuti mapazi omutauro haasati akura zvokuve nemazwi anonzwisisika.

PachiRungu zvinonzi, “shooting yourself in the foot.”

Zvino hapachisina pokuhwanda napo. Vakange vachimbohwanda nokuda kudzidza chiRungu chete, zvave kunzi mitauro yese 16 inocherechedzwa nebumbiro romutemo ngaipinde mudariro ifambidzane nacho chiRungu ichocho.

Dzikinuro yakauya pakadzikwa bumbiro idzva romutemo muna 2013 rine chikamu chinokoshesa mitauro 16 inotaurwa muZimbabwe inosanganisira chiRungu, chiShona, chiNdebele, Sign Language, chiBarwe, chiTswana chiKhoisan, chiChewa, chiNdau, chiKalanga, chiXhosa, chiChangani (chiShangaan), chiVenda, chiNambya, chiSotho nechiTonga.

Asi chirongwa cheZim Digital chiri kufambiswa neHurumende kubudikidza nemapazi akafanana nePostal and Telecommunications Regulatory Authority of Zimbabwe (Potraz) neBroadcasting Authority of Zimbabwe chichaita kuti kuve nenhepfenyuro nemaTV akawanda chavhura vanhu vazhinji maziso, kunyanya panyaya dzerurimi rwaamai, nezvichapakurwa.

Masvondo achangopfuura, takaona Zimbabwe Broadcasting Corporation ichivarura kuverengwa kwenhau mumitauro inosanganisira chiChewa, chiNdau, chiKalanga, chiXhosa nechiChangani. Nhau muchiVenda, chiNambya, chiSotho nechiTonga dzakatangwa gore rakapera.

Zvoreva izvo kuti Zimbabwe Broadcasting Corporation yave kutepfenyura nhau mundimi dzinokwana 12, tichisanganisira ne”Sign Language”.

Mukana mukuru kwazvo uri kuvhurirwa vanoda kutanga mabhizinesi enhau, vanyori, vanoita zvirongwa zvepaTV nenhepfenyuro, uyewo vanodhinda mapepanhau.

Zvorevawo kuti zvave kuda mushandirapamwe nokuti basa rokufambisa mashoko rinoda vatsigiri vanoshambadza zvinhu zvavo. Ndivo vane homwe dzacho dzemari. Kuti vadzisunungure, ndokunge pabuda zvirongwa zvinoendeka, zvine chiono kumberi, kunyanya panyaya dzisiri dzokutepfenyura nhau. Zvinenge zvichidawo kuti pfungwa dzevanhu vaita makore vachiona nokunzwa zvinhu muchiRungu dzivandudzwe. Makata, nokuti munhu haana pake!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey