Pamitauro, vana musavatyire

19 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

VANA zvavakavhura zvikoro svondo rapfuura tati tidzoke zvakare kunyaya yatakaparura masvondo apfuura – nyaya yokusimudzimura mitauro yedu sokutarwa kwazvakaitwa nebumbiro romutemo.

Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rakatotanga kubudikidza neNew Curriculum, uyewo vari kuedza kuona kuti kwave navarairidzi vanodzidzisa vana nemitauro iyi. Tiri kuonawo mapazi anotepfenyura pazvivhitizviti newairesi, nokutsikisa mapepanhau nemabhuku vachiedza kusimudzira mitauro iyi.

Ndinodzokorora mafungiro angu okuti vazhinji vedu tinoona kunge mitauro yakakosha uyewo inofanirwa kucherechedzwa munyika chiRungu, chiShona nesiNdebele chete, kunyanya chiRungu. Kana paine kufunga kwadai, zvorevawo kuti vanhu vanotaura mitauro iyi sorurimi rwaamai ndivo chete vakakosha muZimbabwe. Maonero akadai anounza kusawirirana, kana kusabatana pakati pevanhu venyika imwe chete. Kune dzimwe nyika, hondo hadziperi pamusana paizvozvi.

Ngatiyeuchidzaneiwo kuti kana bumbiro romutemo richicherechedza mitauro 16 inoti chiRungu, chiShona, siNdebele, Sign Language, chiBarwe, chiTswana, chiKhoisan, chiChewa, chiNdau, chiKalanga, chiXhosa, chiChangani (chiShangaan), chiVenda, chiNambya, chiSotho nechiTonga – ndiyo mitauro yemuZimbabwe iyoyo.

Kana mikana yavepo yokuti vanhu tigone kudzidzira kutaura mitauro iyi, ko tingade kutanga kudzidzira mimwe mitauro yemhiri kwamakungwa sei? Pamusana pokuti pane pfungwa yokuti mitauro yemuAfrica haikwanisi kuburitsa zvinhu zvebudiriro?

Ndakatabvunzawo kuti zvakaipei kutanga kuvandudza mitauro yedu kuti ikwanewo kunyaya dzebudiriro dziri kudiwa neUnited Nations dzeScience, Technology, Engineering neMathematics (STEM)?

Vabereki vanozviziva kuti vana vavo pfungwa dzavo dzatozara izvozvi zveSTEM, asi pavanotangira, havatangi vachizvitaura nechiRungu, asi kuti zvizvinji zvacho vanenge vachitaura nemutauro waamai nokuti munhu haakudzirwi kuchikoro, asi kumba. Vangani vabereki vari kuratidzwa mashandiro anoita mbozhanhare nevana vasati vamboenda kuchikoro, kana kuti vari mugwaro rwepasi-pasi? Zvimwe chete nezvivhiti-vhiti kana wairesi.

Iyi midziyo inotengwa nemabhuku akanyorwa nemitauro yakasiyana-siyana kuti mutengi azive kuti inoshandiswa sei, asi vana havanei nokuaverenga nokuti vazhinji vacho havatombogoni kuverenga kwacho. Vanongotora vobata-bata mabhatani, wotoona foni kana TV yave kutoshanda.

Hazvirevi kuti mitauro iyi haina kukosha, asi pane danho rokuyaruka kwepfungwa panozodiwa kushandiswa zvinyorwa. Kumavambo, mwana anonzwa nokubata zvinhu zvinotaurwa norurumi rwaamai. Nokudaro tinotsimbidzira kuti kana mutauro waamai uchimboita kuti mwana agone zvinhu zvokumavambo oupenyu, unozotadza nei kutambanuka zvinoita mimwe mitauro iri kususukidzwa mubudiriro?

Ndichapa mienzaniso mitatu inoratidza kuti zvinogoneka, kana tikazvipira, kwete muchiShona neNdebele chete, asi kuti mitauro yese iri 16.

Nyaya dze “prosperity gospel” (kupfuma nevhangeri) dzatekeshera munyika, asi Phanuel Muverengwi akati anyora mabhuku maviri nechiRungu akanzwa kushushikana kusvika azvibvunza mubvunzo wokuti: “Ko vasingaverengi chiRungu vachabatsirikana sei?”

Yakave mhezi yakavavira mumwoyo, yaakaona kuti kukwenywa kwayo kunotoda kuti anyorewo zvimwe chete mururimi rwaamai. Ndozvakazoita kuti anyore bhuku rinonzi, “Ndingaitei kuti ndibudirire sevamwe?” (Principles of prosperity). Dai akatya achifunga kuti mazwi okutsanangudza zvatinoverenga muzvinyorwa zve”finance, economics, development” nemamwe mapazi ebudiriro, dai akangogumira pamubvunzo usina ane mhinduro. Mumwe munyori anopa tariro zvakare ndiDr B. Manyame vakanyora mabhuku anoti “Duramazwi reurapi,” ne”Denhe reutano neurapi.”

Dr Manyame vanopa tsanangudzo yokuti “mapazi ese eruzivo ane masevenzesero aanoita mamwe mazwi.” Kunzwisisa kwangu ndekwokuti izvi hazvisi kuchiRungu, chiChinese, chiFrench kana chiGerman, chete, asi zviri mutauro noupi noupi zvawo. Muchidimbu, mabhuku aya anogonawo kunyorwa musiNdebele, chiBarwe, chiTswana, chiKhoisan, chiChewa, chiNdau, chiKalanga, chiXhosa, chiChangani chiVenda, chiNambya, chiSotho nechiTonga.

Mukwende anoona kuti chingatadzisa kuti zvibudirire, ipfungwa dzevakuru dzinoda kuramba dzakagonya panzvimbo imwe chete, pfungwa dzinotya kuedza zvitsva, asi dzavana vanhasi dzavhurika dzichigona kugamuchira zvitsva, kunyange vasinganzwe chiRungu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey