Pamushana yakabvuta mukombe

27 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Pamushana yakabvuta mukombe Chikwata chePamushana High School nevarairidzi vacho

Kwayedza

Abel Ndooka

PAMUSHANA High School ndiyo yakahwina mukombe weNASH Stella Tea Under-17 Netball Tournament mushure mekukunda Mpompoma High School 21-14 mufainari yainakidza kukunda ngoma kurira iyo yakatambirwa paPamushana High School, kuBikita.

Gore rino, mutambo uyu waive nemusiyano neyekare izvo zvakaona zvikwata zvose zvichitatsurana kusvika kufainari uye Pamushana High yakahwinha mitambo yayo misere yose yayakatamba.

Pamushana High yakapihwa mari inosvika $5 820 apo yakabvuta mukombe uyu wainge wave nemakore maviri uchihwiniwa neSikhulile High School yekuBulawayo iyo yakaburitswa muquarter-fainari yemutambo uyu neMunene High nezvibodzwa 28-19.

Simbarashe Mlambo anove murairidzi wePamushana High anoti vari kufara zvikuru zvichitevera kuhwinha kwavakaita mukombe uyu vari pamusha.

“Sekuziva kwenyu, isu tisu taitonga mumutambo uyu asi zvakange zvashanduka makore maviri adarika nekuti Sikhulile yakange yatitorera mukombe wedu, asi zvashanduka tadzoka zvine mutsindo manje.

“Tisu varidzi vemukombe uyu uye tazvirakidza, hauchabve kwatiri nekuti ticharamba tinawo, chitsidzo ichi,” anodaro Mlambo.

Zvakadai, vatambi 12 kubva pazvikwata zvose zvaikwikwidza vakasarudzwa kupinda muchikwata cheZimbabwe icho chichazomirira nyika kumutambo weConfederation of Schools Sports Associations of Southern Africa (Cossasa) uyo uchaitirwa kuWindoek, Namibia munaNyamavhuvhu.

Kwirirai Chigerwe anove general manager weTanganda Tea Company, iyo iri kukotsvera makwikwi aya, akatsidza kuti vachatsigira chikwata cheZimbabwe apo chiri kuenda kunokwikwidza kuCossasa.

“Kutamba kwaita zvikwata zvose kunonwisa mvura uye isu sekambani tafadzwa nazvo nekuti tabatana nevanhu vanoziva zvavanoita.

“Isu tinokupai chitsidzo chekuti ticharamba tichishanda nemi kunyangwe pamuri kuenda kuCossasa tichange tichikutsigirai pazvose zvamunoda,” anodaro Chigerwe.

 

Share This:

Sponsored Links