Pamushana yakarambira nemukombe

07 Aug, 2014 - 14:08 0 Views
Pamushana yakarambira nemukombe

Kwayedza

0408-3-1-IMG_8164
Abel Ndooka uyo akange ari kuKariba

CHIKWATA chePamushana High School chakaita zvinorova svondo radarika apo chakarambira nemukombe we(National Association of School Heads) NASH Stellar Netball Tournament. Pamushana yakakunda Mwenezi High School mumutambo uyu uyo wakatambirwa pachikoro cheNyamhunga High.

Kambani yeTanganda Tea, iyo yaikotsvera mutambo uyu kuburikidza neStellar Tea, yakazivisa chikwata chePamushana kuti mukombe uyu wave wacho zvachose nekuti yakakwanisa kuuhwina katatu kakatevedzana kubvira mugore ra2012.

Pamushana yakahwinhiswawo menduru yegoridhe, mari inosvika US$4 400 uye vatambi vayo vaviri – Sharon Bwanali naRopafadzo Muhwira – vakadadisa pamutambo uyu.

Mwenezi yakawana menduru yesirivha neUS$3 200, kuchizotiwo Mawabeni High School yekuMatabeleland yakahwina menduru yebhuronzi neUS$2 000.

Mutambo uyu wakashandiswa nesangano neNational Association of School Heads kuumba chikwata chenyika cheNetball icho chichanokwikwidza kuConfederation of Schools Sport Association of Southern Africa (Cossasa) kuZambia kutanga musi wa28-30 mwedzi uno.

Mukuru wechikoro chePamushana ari zvakare mutungamiri weNASH neCossasa, VaJohnson Madhuku, vakati vasikana vepachikoro chavo vakadadisa zvikuru mumutambo uyu.

“Kubvira mugore ra2012, chikwata chedu chichingohwina mukombe uyu hazvisi nyore, isu tinokoshesa mitambo yevana zvakanyanya.
“Tine mufaro mukuru chaizvo, vasikana vedu vatidadisa nekuhwina kwavaita uku uye tinoda kuti varambe vachihwina makore anotevera.
“Iye zvino pasarudzwa chikwata chichanomirira nyika kumutambo weCossasa, tave kuchimhanyisa gadziriro dzacho.

“Gore radarika, tisu takahwina goridhe apo mutambo weCossasa wakatambirwa muno saka gore rino tinoda kuuchengetedza zvekare,” vakadaro VaMadhuku.

Zvimwe zvikoro zvakakwikwidza kumutambo uyu zvinoti Gumbodzvanda High, Highfield High 1, Mhangura High, Tsvingwe High, Nyamhunga High, Sikhulile High, Munene High, Mvurwi High neMosi OA Tunya High.

Share This:

Sponsored Links