‘Pamwe igomarara’

08 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
‘Pamwe igomarara’ Dr Masuka

Kwayedza

Munyori weKwayedza
VOTAURA pamusoro pedenda remukadzi ari kuti anoyamwiwa nenyoka nezvidhoma uyu, chamangwiza wechipatara cheHarare Central Hospital, Dr Nyasha Masuka vanoti mudzimai uyu anofanirwa kuenda kuchipatara onoongororwa namachiremba kuti haana gomarara here.

“Amai ava vanofanirwa kunge vaine gomarara repazamu saka tichikurudzira kuti vanhu vakurumidze kuenda kuzvipatara pane kumhanyira kufunga zvechivanhu,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naSekuru Bonface Katerere vekuUzumba vachiti mudzimai uyu anogona kunge aine gomarara repazamu.

“Zviri paviri, chokwadi rinogona kunge riri gomarara. Asiwo hatirambe kuti zvidhoma kana kuti nyoka dzevaroyi dzinosvitsa munhu pakadai. Munhu anorumwa kusvika apera nyama.

Varoyi zviriko,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links