Pane chipo apa! -Kasikana keForm 1 koshura mare -Kokwenya mbira zvinonwisa mvura

11 Jul, 2014 - 16:07 0 Views
Pane chipo apa! -Kasikana keForm 1 koshura mare -Kokwenya mbira zvinonwisa mvura

Kwayedza

TENDAI Mavengeni achiridza mbira

TENDAI Mavengeni achiridza mbira

TENDAI Mavengeni (13), kasikana kepachikoro cheMabelreign Girls High, muHarare kari kuita mashura nezviratidzo muzvidzidzo zvakasiyana nevamwe. Mwana anokwenya mbira zvinodadisa iyeye! Gwenyambira wechidiki uyu ari kushura mare zvekuti anoratidza kuti ramangwana rake rakajeka munyaya dzekushandisa chipo chake uye anotova nedambarefu idzva rine nziyo dzembira dzinotapira kudarika huchi hwakarungwa neshuga.

Ari kushura mare Tatenda! Avo vaiva pane imwe hotera muHarare nemusi weChina svondo rapera apo paipihwa mibairo neKwayedza kuvana vechikoro vakagona kudetemba vakasara vasina nechokutaura kunze kwekungozunguza misoro. Kana vekubazi redzidzo yepuraimari nesekondari vakashaya nechokutaura pamusoro pechipo chine mwana uyu.

Nziyo dzaTendai Mavengeni dziri kubata-bata moyo yevazhinji avo vanomuona achiridza mbira zvemhando yepamusoro kwaanokokwa muzvikoro pamwe nenzvimbo dzekutandarira dzinosanganisira Book Cafe muHarare.

Gwenyambira wechidiki uyu anoti akatanga kuda zvekuimba aine makore angangodarika matatu ekuberekwa uye anonzwa kusimudzirwa zvakanyanya nevaimbi vakaita saMbuya Stella Chiweshe naThomas Mapfumo avo vanomupa shungu dzekuda kuimba nziyo dzechivanhu.

Tendai ari kuita Form 1 pachikoro cheMabelreign uye anoti haaone zvemimhanzi zvichimudzosera shure panyaya dzechikoro sezvo vabereki vake vachimubatsira zvakanyanya pazvinhu zvose zvinodikanwa kuti mimhanzi yake ipfumbire.

“Ndinotenda Mwari nevabereki vaakandipa, rutsigiro rwavanondipa rwakanyanya zvekuti kana zviri zvemimhanzi ini ndinozongoudzwa kuti nhasi uchanoridza kwakati. Zvose zvinenge zvarongwa kare nababa vangu,” akadaro Tendai.

Dambarefu rake rekutanga rinonzi ‘’Spirit of My Destiny’’ iro rine nziyo shanu dzinosanganisira Africa, Girl Child naKushungurudzwa.
Tendai anoti nziyo dzake zhinji dziri maererano nekutambudzika kunoita vanhu, zvikuru vanhukadzi nevana, mukurarama kwavo.

“Nziyo dzangu zhinji ndinonyora ndakatarisana nekutambudzika kunoita vanhu mukurarama, kusanganisira madzimai nevana uye ndinoda kuti mhanzi yangu ibate pamhodzi yemoyo yevazhinji,” akadaro Tendai.

Amai vake, Mai Chengetai Kambanje, vanoti vakaona chipo chemwana wavo apo ainge achiri mudiki uye vanokurudzira vamwe vabereki kuti vasaregerere vana vavo apo vanenge vaona zvipo zvavo.

Share This:

Sponsored Links