PANE NYAYA

21 Jun, 2014 - 18:06 0 Views

Kwayedza

SVONDO rega-rega vana vechikoro nezvikoro zvenyu munogona kuzvihwinira bhuku raIgnatius T. Mabasa rinonzi “IMBWA YEMUNHU”. Chamunongoita bedzi, kupedzisa kunyora nyaya yamaparurirwa pazasi iyi. Nyaya inenge yakunda dzimwe pasvondo ndiyo inowana mubayiro wemwana newechikoro chake. Nyaya yacho ngairebe mazwi zana nemakumi mashanu chete (150), kwete kudarika. Tumira nyaya yako kuMupepeti paEmail inoti: [email protected] kana kuunza kumahofisi eKwayedza ari paHerald House muHarare, kuManica Post kwaMutare kana kuChronicle House kuBulawayo wakanyora kuti “PANE NYAYA”, uchitaura zita rako, makore ako nezita rechikoro. Unenge watohwina iwe nechikoro chako! Chipedzisa nyaya yawatangirwa ine musoro unoti:

BENZI RAPINDA MUMBA
Sekuru, kurumidzai kuuya kuno. Pane benzi riri kurambira mumba medu.

Share This:

Sponsored Links