Uncategorized

‘pasina mwaa hapana rudo’

23 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
‘pasina mwaa hapana rudo’

Kwayedza

‘Varume vanonhuwa mukanwa’

Kingstone Mapupu
KUTSVODANA pakati pevanhu vakaroorana mucherechedzo werudo rwukuru rwunenge rwuripo uye panochata mukadzi nemurume pane nguva inonzi vaviri ava vatsvodane — chaizvo kwete “mwaaa” kadiki.

Asi nekufamba kwenguva, izvi zvinoenda zvichipera zvekuti vamwe vakadzi nevarume mudzimba mavagere vose havachatoyeuka kuti vakagumisira rinhi kutsvodwa.

Akatotumirwa “mwaa” panhare anenge aine raki.

Nekune rimwe divi, kune vamwe vanofunga kuti kutsvodana paruzhinji zvinonyadza asi pachivande.

Zvichiunza mubvunzo wekuti kutsvodana pakati pevakaroorana kuchiriko here? Kana kuriko, kunopera zvadii? Kutsvodana nemudiwa wako pajekerere kunoita here? Zvekare, iko kutsvodana itsika yekupi?

Svondo rino Kwayedza inoita ongororo pamusoro penyaya iyi ndokunzwirira.

Mercury Manhari Chanetsa (37) wekuZvishavane anoti kutsvodana kwave kuenda kuchiita kushoma kune vakaroorana.

“Inyaya inonetsa iyi nekuti vamwe varume vedu mudzimba umu zvidhakwa, vanonwa doro rose ravasangana naro vachiputa fodya nembanje. Shuwa here kuti ndingatsvode munhu anenge anenge achinhuwa mukanwa kunge chimbuzi?

“Zimuromo iroro ronzi chwii mukanwa mako ungasarutsa imo mukanwa musingagezwe? Vakadzi tiri mudambudziko chairo,” anodaro.

Anoti vakadzi vakada kuratidzawo rudo kuvarume vavo nekuvatsvoda, dzimwe nguva varume vacho havazvidi zvekuti vanobva vatarisa kudivi wonzi tsvoda padama.

“Vamwe vari mudzimba umu vakaita michato ine mukurumbira asi vakagumisira kutsvodana musi wemuchato, tsvodi vanodzionera mumaterevhizheni,” anodaro Chanetsa.

Gift Bikitala (24) wekuDzivaresekwa, muHarare, anoti kutsvodana chipo chinobva kuna Mwari.

“Rudo rwunooneka nekutsvodana. Ukaona pasisina kutsvodana ziva kuti hapasisina rudo, kutsvodana padama hakufadze asi kwekupinzana rurimi mukanwa unonzwa kuti zvaita,” anodaro Bikitala.

Kuchiti Natasha Masango (34) wemuHarare zvakare anotsinhira achiti mazuva ano kutsvodana kwave kushoma pakati pevakaroorana.

Gladys Kudada

“Tsvodi inosimbisa rudo, fanika ini mumba mangu nemurume wangu mugariro — tichingosangana nekupesana, itsvodi dzoga-dzoga, dziya dzinorira.

“Ukatadza kukisa murume wako kana mukadzi wako unozoda kutsvoda ani manje?” anodaro.

Masango anoti vamwe vanonyara kutsvodana pajekerere asi iye nemurume wake havana basa nazvo — ndipo pavanotoda.

Netsai Tasara (40) wekwaMukarakate, kwaMurehwa, anoti vakagumisira kutsvodana musi wemuchato.

“Kune varume kana madzimai akawanda vasingazive tsvodi nekuti havana kumbochata, saka tinoti kisanai mudzimba umu,” anodaro.

Anoti zvikonzero zvekuramba kwemadzimai kutsvodwa nevarume vavo kazhinji kunhuhwa kwemukanwa umo musingagezwe.

“Fungai murume anonwa Zed, masese, chikokiyana, kachasu, vinyu kana kuputa fodya, mbanje zvose pamunhu mumwe chete. Madzimai anoguma oramba kutsvodwa asi zvinokanganisa rudo mumba,” anodaro.

Isabel Nyemba (28) wemuHarare anotiwo vamwe vanotoita tsvodi dzekurota ivo vakaroorwa.

“Kisi inonyanya kuitwa nevanhu vasati varoorana sezvo zvinenge zvichatanga,” anodaro Nyemba.

Kuchiti Calvin Makombe anoti vakawanda havachaona kukosha kwekutsvodana muwanano.

“Tsvodi yakakosha zvikuru saka muchiona pamichato vamwe vachitochema abva mukukiswa, kureva kuti vanenge vapihwa rudo rwakasimba pane vanhu,” anodaro Makombe.

VaMartin Chingodza (41) vekwaSabhuku Shamba, kwaSeke, vanotiwo tsvodi haingopihwa munhu pese-pese sezvo zviine nguva yazvo.

“Kutsvodana kune nguva, pamwe pacho ndinenge ndakagumbuka ndingape munhu kisi sei? Zvinoda uchifara izvi. Asi isuwo varume ngatigezei mukanwa nemiviri yedu nekugerawo ndebvu.

“Shuwa here kupakira ndebvu mukanwa memudzimai kana musikana wako pakukisana? Hazviite,” vanodaro.

Emelda Siawala

Emelda Siawala Mungala (31) wekuMazambuka, kuSouthern Province, kuZambia, anoti kutsvodana ikodzere yemunhu wose kubva kune waanodanana naye.

“Ngakuiswe mutemo unosunga varume kana vakadzi vanoramba kukisa vadikani vavo munyika dzose. Tsvodi inokusvitsa kumusoro munyaya dzerudo,” anodaro Mungala.

Blessing Chareka

Vasikana vechidiki vemuHarare — Blessing Chareka (20) naGladys Kudada (19) — vanoti ukaona mukomana wako asingakupe tsvodi ibharanzi, anoda dzikinuro parudo.

“Ndingati ndine mukomana asingandipe tsvodi kana zuva rimwe chete zvaro? Zviri nani tirambane,” anodaro Blessing.

Bonface Bonda — Mifananidzo naNicholas Bakili

Mashoko ake anotsinhirwa naBonface Bonda (22) achiti tsvodi ndiyo musimboti werudo.

Vamwewo vanhukadzi vanoti “ukangotsvoda tsvoda murume wako

zvekumhanya anoguma okubvunza mibvunzo yekuti wakazvizivirepi”.

“Kune varume vekuti ukamupa rudo rwakanaka kudarika zvaagara achiziva, unotozviisa pa’tight’ achida kuziva kuti wakazvidzidzira kuna ani? Hanzi saka pane mumwe waunodanana naye.

“Varume havadi kudiwa saka zvekungomutsvodana zvinokwanisa kutoparadza muchato wenyu,” anodaro mukadzi akaroorwa uyo anongoda kuzivikanwa saMercy.

Murume wekuMbare, muHarare, Kim Atawule anoti zvekutsvodana hazvina basa murudo nekuti tsika idzi hadzisi dzemuno, asi kuti dzekunze.

“Vanhu tajaira kungotevedzera, iko kutsvodana kwacho kune basa here? Itsika dzekupi dzinoti vanhu vanongodyanana paruzhinji? Zvimwe zvacho tinozozviwanza,” anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>