Pastor Mwenje kubira kereke

09 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

  1. BURITSA zvinhu zvishanu zvinojekesa kuti Pastor Gift Mwenje vaishandisa kereke zvisina kunaka muna Kereke Inofa. [25]

Pastor Mwenje vaivanda mabasa avo echipfambi nekereke. Tinozviona pavanosara vachidanana naSarah mudzimai waZebra, iye vamuendesa kuUK kwaivewo nemudzimai wavo, Mary vachiti anoita basa raMwari. Zebra paanozodzoka kuUK kwapera mwedzi mitanhatu, Sarah akanga atove nenhumbu yaPastor Mwenje yakanga yave nemwedzi mina.

Pastor Mwenje vanoputsa imba yenhengo yekereke yavo. Izvi zvinoonekwa pavanodanana naSarah aive nhengo yavainamata nayo kuRevelations Church vachishandisa chigaro chavo chehufundisi chakaitawo kuti avachive.

Vanozogumisira vamupa mwana zvinokonzera kuti Zebra ave nepfungwa yekumuramba achiti aifanira kunogara naPastor Mwenje.

Pastor Mwenje vanoshandisa kereke yekuUK kuti ichengete Zebra. Izvi zvinojekeswa nezwi remunyori pavanonzi vakamutengera tikiti rekuti akwire ndenge kuenda kuUK asingazivi.

Paanosvikako vanoita kuti apiwe zvekudya nepekurara mahara naMary aiona nezvechechi yekuUK vachiitira kusara vachiwana mukana wekudanana naSarah.

Pastor Mwenje vanoenda naSarah mhiri kwemakungwa vachishandisa zita rekereke. Izvi zvinoburitswa pavanoenda naye kuUK vachiedza kuvanza pamuviri pavainge vamupa. Vanobudirira nekuti Zebra haana kutya kuti vaende nemudzimai wake sezvo vainamata vese uye vaive mufundisi wavo.

Pastor Mwenje vanoba mari dzekereke vachishandisa chidanho chehufundisi.

Tinozviona pavanenge vari pamba pavo, mumusha weCoventry, kuUK, vachiudza Sarah kuti Mary aisaziva kuti vakanga vazvomora mamwe mayusa anosvika gumi rezviuru akabva muhomwe yekereke ayo aifanira kunobatsira vanotambura vachimupa kuti atumire Zebra kuZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links