Uncategorized

Peshi, uri nyoka chaiyo!

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Ignatius Mabasa
Hadzisi nguva dzese dzatinoona nekuziva, nekugashira kuti tine dambudziko. Mumwe murwere chaiye haati musi waatanga kukosora otoenda kuchipatara. Vazhinji tinorera zvirwere vachida kuona magumo azvo, vachiramba kuti vanorwara, asi mamwe magumo acho iguva.

Une nharo Peshi. Asi unozivei, kana usingazive kuti hauzive unoita nharo, uye kana uchiita nharo unofa. Chinokuuraya hakusi kusaziva, asi unourayiwa nekusaziva kuti hauzive iwe uchifunga kuti unoziva. Unourayiwa nekuramba kubvuma kuti hauzive. Unourayiwa nenharo dzinobata mwoyo, pfungwa nerurimi rwako chibharo.

Asi kubvuma kuti hauzive chinhu chakanaka, uye chinokubatsira zvikuru kuti uwane pekutangira mukusaziva kwako. Kubvuma kuti hauzive kwakafanana nekuburuka pabhiza rako rinonzi manyemwe, kuonererwa nekuzvikudza. Kana ukasaburuka kubva pabhiza remanyemwe nekuzvikudza, unogona kuzoita zvekudonha kuti pwata sedoto reshiri.

Chinonetsa newe Peshi ndechekuti kana watanga nharo dzako hauganhuke. Ndiwe unofanira kusara uchitaura vamwe vese vanyarara. Ndiwe Chiherere asingazarirwe nerwizi. Asika, paye Peshi paunenge uchiti hauite nekuda kwenharo nekutaura kunenge chisasa chinovava, uchenjere kuti uchapembedza mweya yetsvina ikanokurasira kuchimbuzi. Bhaibheri rinoti, “Munhu achakudzwa kana akagara kure nevanokakavara, asi benzi rimwe nerimwe rinokurumidza kupopota.”

Nharo kuramba uchirambira pane zvaunofunga kuti unoziva, asi vamwe vachiona kuti zvauri kufunga kuti kuziva inotori korera yepfungwa chaiyo. Ambuya vangu vaiti kutsanangura inharo. Kutsanangura inharo nekuti unenge uchiramba dzimwe pfungwa dziri kuda kukubvisa pawakanamirira senamo.

Ufunge zvako Peshi, nekuda kwekurambira pakusaziva kwako, vamwe vanhu vave kutofunga kuti unogona kunge uri nyoka isingazive kuti inyoka. Nyoka isingazive kuti inyoka inogona kufunga zvekunodziya zuva pachitsanana chendiro pamusha pevaridzi.

Nyoka iri pachitsanana chendiro haisi musango mainganzi regai iende nekuti iri musango. Nyoka iri pachitsanana chendiro yakafanana nemunhu apinda mumba mako akafunga zvekushandisa midziyo yamunobikira sechimbuzi. Kusaziva kuti ndiwe ani kunourayisa.

Kana nhunzi, kana hwiza ikanomhara pachitsanana panga pane nyoka, hapana anokahadzika zvekutsvaga mabonza ekuti airove semhandu.

Chirega ndipedzise nyaya yangu Peshi ndichikuudza kuti kana nyoka isingazive kuti inyoka, ichafunga zvekuisa make-up, yopfeka gogo nekutakura handbag. Mumwe munhu achitaura nezvako Peshi akati, “Unotya nyoka, asi chausingazive ndechekuti takatanga kugara nenyoka kubva kare.”

Uri dofo kana uchifunga kuti nyoka yakapedzisira kutaura naEve pamuti wemuchero muEden kare kare kaye!

Nyoka dzirimo matinoshandira, matinogara nematinorara. Dzimwe nyoka munotozodziona dzafa mozoti aaa, inga inyoka. Mumwe murume akazoziva kuti akarara pamusoro pemhakure ave kutopeta magumbeze.

Pamwe izvozvi wakatobata nyoka, asi hausi kuzviziva kuti wakabata chinhu. Mumwe murume akanga akabata kapazi ari pasi pemuti achitaura nemumwe wake. Mumwe wake ndiye akaona kuti akanga abatanidzira kapazi nenyoka.

Pamwe wakatombodya nenyoka. Seni ndakasvika pachuru paibuda ishwa zvemweya wetsvina chaizvo. Ndakashaya pekuisira ishwa ndichibva ndagadzira bag neT-shirt. Ndakatsamura ishwa asi ndakabva ndapindwa nechando. Pedyo nemaoko angu paive nemusvesvenenga wenyoka wakati tsvaa uyo waidyawo ishwa usingamborota kuti kunze kunei.

Unogona kunge wakaona nyoka ukafunga kuti wakomborerwa. Shamwari yangu yakaona chiva chakaita hata akafunga kuti hohwa. Paakachibata, chakashinyira zvekuti akachikanda pasi akatiza..

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey