Peter Moyo akabatsira chikoro

26 May, 2017 - 00:05 0 Views
Peter Moyo akabatsira chikoro

Kwayedza

Abel Ndooka —
MUIMBI Peter Moyo anoti ane chishuwo chikuru chekusimudzira dzidzo yevechidiki sezvo vari ivo vatungamiriri vemangwana.

Moyo akataura mashoko aya svondo rapera pachikoro cheKotamai Primary School chiri kuSesombe, kuZhombe, apo akapa mabhuku, zvinyoreso nezvimwe zvinoshandiswa nevana mukudzidza akabatana nechikwata chenhabvu chemaboozer, cheJazz 24/7.

Vadzidzisi vepachikoro ichi – apo Moyo akadzidza Grade 1 kwematemu maviri muna 1996 ndokuzobva achienda kuDambudzo Primary School – vakapihwawo zvekushandisa mubasa ravo.

Achitaura pachiitiko ichi, Moyo anoti: “Vana vanofanirwa kuwaniswa fundo yakanaka nekuti vachiri vadiki kudai ndipo upenyu hwavo hwemangwana hunogadzirisika. Ini kuti ndisvike pandave apa, inyaya yekuti ndakabva nekwamuri uku saka ndinoshuvira chaizvo kuti muwanewo dzidzo yakanaka, musazoti makafoira nekuti mange musina mabhuku kana zvekushandisa.”

Muimbi uyu anoti ane tariro yekuvakisa dzimwe dzimba dzekudzidzira pachikoro ichi.

“Ini kuno ndiko kwandakabva uye ndinoda kudzosera kwamuri. Nhasi tangouya kuzoratidza vamwe vangu vemaboozer chikoro chandinogara ndichitaura nezvacho kuti chakaita sei. Iye zvino vaona zvinodiwa saka isu tave kuchitanga kumhanya-mhanya kuunganidza zvese zvinodiwa kuti basa rekuvakisa dzimwe dzimba dzekudzidzira rifambe zvakanaka,” anodaro.

Mukuru wechikoro ichi, VaTaurai Mukodza, vanotenda zvikuru kubatsirwa kuri kuitwa chikoro chavo naMoyo akabatana nevamwe vake.

Share This:

Sponsored Links