Uncategorized

‘Peturu yepamukoto bodo’

14 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
‘Peturu yepamukoto bodo’ Information, Publicity and Broadcasting Services Minister Monica Mutsvangwa briefs the media on yesterday’s Cabinet proceedings. She is flanked by (from left) ministers Professor Mthuli Ncube (Finance and Economic Development), Dr Joram Gumbo (Energy and Power Development) and Dr Obadiah Moyo (Health and Child Care)

Kwayedza

Tendai Mugabe
HURUMENDE iri mushishi kutora matanho akananga kuona kuti mari yekutenga mafuta edzimotokari yavepo kuitira kuti pave nemafuta anokwanirana panguva yezororo reKirisimasi uye ine hurongwa hwekuranga zvakaomarara vanhu vari kutengesa mafuta aya pamukoto sezvo maitiro aya aine njodzi kuupenyu hweruzhinji.

Mashoko aya akaziviswa negurukota rekuburitswa kwemashoko nenhepfenyuro, Cde Monica Mutsvangwa, nemusi weChipiri chino apo vaitaura kuvatori venhau pamusoro pezvisungo zvakaitwa nedare reCabinet.

Vanoti Hurumende inoda kuti mutemo ushandiswe zvizere kuranga vanhu vari kuisa upenyu hweveruzhinji panjodzi pamwe nemidziyo kuburikidza nekutengesa mafuta edzimotokari zvisiri pamutemo.

“Dare reCabinet rakanzwa mashoko ari pamusoro pemamiriro akaita nyaya dzemafuta ezvekufambisa munyika kubva kugurukota remhando dzemoto nekusimudzirwa kwadzo (Dr Joram Gumbo),” vanodaro.

“Cabinet yakaona kuti kunyangwe zvazvo pachiri nezvimhingamipinyi maringe nekuwanikwa kwemafuta edzimota, mamiriro ezvinhu ari kuenda achinaka kana zvichienzaniswa nesvondo radarika. Cabinet yakavimbiswa zvakare kuti pane hurongwa hwekuti mari ivepo yekutenga mafuta anokwanirana panguva yezororo reKirisimasi.”

Vanoti Cabinet inotsutsumwa zvikuru nekatsika kari kuitwa nevamwe vanhu kekutenga mafuta vachizoatengesa ava mumajerry cans nemitengo yakakwira zvikuru pedyo pedyo nepavanenge vaatenga.

“Maitiro akadai aya ane njodzi huru kuupenyu hwevanhu, kana zvichitariswa kuti mafuta ezvekufambisa haatani kubatira moto. Pamusoro pezvo, mamwe emafuta aya ari kutengeserwa mumajerry can ane tsvina nekudaro anogona kukuvadza motokari,” vanodaro. Cde Mutsvangwa vanotizve Cabinet yakaita chisungo chekuti vose vanoona nezvekuchengetedzwa kwemutemo vaone kuti nhubu dziri kutengesa mafuta aya pamukoto dzarangwa zvakaomarara.

Vanotizve Cabinet yakanzwa mashoko ari pamusoro pekuramwa basa kuri kuitwa nemamwe madhokotera (junior doctors).

Cde Mutsvangwa vanoti zvakaonekwa kuti kuramwa basa uku kwakaitwa pasina kutevedzwa mutemo.

Zvisinei, vanoti Hurumende yange ichitogadzirisa nechakare zvimwe zvezvichemo zvemadhokotera aya nekudaro inovakurudzira kuti vakoshese upenyu hwevarwere kuburikidza nekudzokera kubasa.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Obadiah Moyo, vanokurudzira madhokotera ari kuramwa basa aya kuti vadzokere kubasa apo hurukuro pamusoro pezvichemo zvavo dziri kuenderera mberi.

Zvichakadai, Cde Mutsvangwa vakazivisawo kuti Hurumende yakatara mutengo mutsva wegorosi wemwaka wekurima wa2018 -19 kuenda paUS$630 patani uchibva pa$500 patani. Vanoti mutengo mutsva uyu wakanangana nekusimudzira kurimwa kwegorosi munyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>