Uncategorized

pfambi iri kumera hohwa…‘Ndakagadzirwa nechikomba chekuSouth Africa’

20 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
pfambi iri kumera hohwa…‘Ndakagadzirwa  nechikomba chekuSouth Africa’ Tarisai Batoni achichema nekurwadziwa. — Mifananidzo: Justin Mutenda

Kwayedza

Tarisai Batoni achichema nekurwadziwa. — Mifananidzo: Justin Mutenda

Tarisai Batoni achichema nekurwadziwa. — Mifananidzo: Justin Mutenda

MUSIKANA wechidiki wemuHarare, uyo ari kupupura kuti anoita zvechipfambi, anoti ari kumera zvinhu – zvimwe zvacho zvinenge hohwa – kusikarudzi yake mushure mekunge ashinha pabonde nemumwe murume waasingazive “waakakecha”.

Nekuda kwekuomerwa kwaaita, musikana uyu haana kana kunyara kuratidza Kwayedza zvaita sikarudzi yake – achichema – iyo yatovharwa nezvinhu zviri kumera izvi.

Tarisai Batoni (20) anofungidzira kuti akasiya aiswa mhiko nemurume waakadanana naye kamwe chete, izvo zvava kuita kuti amere zvinhu zvakafanana nehohwa nezvimwe zvinenge dzimba remhuka yakaita sembwa kusikarudzi yake.

Musikana uyu anoti anongoziva kuti murume “waakakecha” uyu chizvarwa chekuSouth Africa.

Murume uyu akangosiya audza mhandara iyi kuti amupfidzisa pazviito zvake zvekudanana nevarume vakawanda.

Tarisai, wepanhamba 4809 Glen Norah A, anoti dambudziko iri rakonzera kuti kusikarudzi yake zvose nekunzira yekuita nayo tsvina.

Nechikonzero chekuti dambudziko iri ramuremera, uye achirwadziwa, Tarisai anoti ari kutsvaga vangamubatsire – zvose kuchivanhu, kuchinamato kana kune vechirungu.

Sezvinonzi dambudziko rekumera zvinhu kusikarudzi iduku, Tarisai ane pamuviri paasingazive kuti ndepaani.

Akaudza Kwayedza, pasina kutsveterwa, kuti aiita zvechipfambi achitsvaga mari kuvarume vakasiyana mumabhawa emuHarare umo akazvosangana nedambudziko rava kumutambudza iri.

Anoti anongodutira doro chero mhando, kusanganisira kirango, brongo nekuputa mbanje.

Tarisai anoti dambudziko rake rakatanga apo akadanana nemumwe murume wekuSouth Africa, uyo akazomuchaira nhare achimuti pake painge papera zvichitevera kushinha pabonde kwavainge vaita vasina dziviriro.

“Ndakatanga zvechipfambi ndiine makore 15 ndichingotenderera muHarare nekune dzimwe nzvimbo ndichitsvaga mari kuvarume. Pamwe inyaya yekuti ndiri nherera, amai nababa vangu vakafa kare ndiri mudiki zvekuti handivazive,” akadaro Batoni achiyerera misodzi pamatama.

“Dambudziko rezvinhu zvandiri kumera zvakaita sehohwa kana maruva, zvinosanduka nguva nenguva. Dzimwe nguva zvinoita semiti iri kumera kana kuita setsoka dzembwa kana dzimwe mhuka dzakasiyana. Ndava kuvharika kumashure kwose zvekuti ndinotora nguva refu kuita tsvina ndichirwadziwa zvikuru. Ndinotosvika pakuchema.

“Weti chaiyo haibude, uye inondipisa zvakanyanya. Ndinobuda mvura inovava zvekare mbatya dzinonamira zvinoda kuti ndinge ndichigeza nguva nenguva.

“Ndibatsireiwo hama neshamwari! Zimbabwe yose ndiyamureiwo!”

Tarisai anoti ari kudemba zuva raakasangana nemurume aiti anobva kuSouth Africa uyu murimwe bhawa riri kuKuwadzana 2, muHarare.

Anoti akadanana nemurume uyu ndokuzoenda vose kune imwe lodge iri kuHighfield, uko vakanodanana kwehusiku hwose.

“Murume uyu ndakaonana naye mubhawa mugore ra2011 ndokubva tadanana tawirirana kuti aizondipa mari yangu, US$20. Ndakazoshamiswa apo akanditi zvechipfambi chandaiita zvainge zvapera, handaizofa ndakashinha nemurume zvakare.

“Ini handina kuziva kuti murume uyu airevei. Ndakazoshamiswa paakamuka asina kupfeka ave kufamba-famba mumba mataive apo ndakaona sikarudzi yake ichiita seyemhuka uye seine zvimiti kana kuti minzwa yenungu. Ndakamubvunza kuti chii akati akazvarwa akadaro,” akadaro Tarisai, achitadza kana kugara zvakanaka nekurwadziwa.

“Akabva andiudza kuti ndaifanirwa kuzotsvaga vanhu vanondibatsira mudambudziko guru raakati ndaiva ndatarisana naro.

“Takapesana murume uyu akaenda kuSA ini ndikasara.”

Mushure memazuva matatu, Tarisai anoti akatanga kuona ganda resikarudzi yake rosanduka kuita sezvakaita dzimba remvuu kana renzou uye rakaomarara nekusviba.

“Pakati pemakumbo ndakatanga kuita sendakaiswa dehwe remhuka rakaomeswa. Ndakaita sendisina ropa, ndichiswinywa-swinywa. Ndakamboedza kurapwa asi hazvisi kundibatsira.

“Kubva ipapo ndakabva ndatanga kumera zvinyama, zvimwe zvitema nezvitsvuku, nditadza kubatsirwa,” akadaro.

Vamwe vaiona dambudziko rake vanonzi vaiti aimera chinhu chakada kufanana nenyoka, vamwe vachiti dzainge nyongorosi sedzinorairiswa hove, kana kuti honye hombe.

Pari zvino zvinhu izvi zvakura zvekuti musikana uyu haachakwanisa kugara izvo zvinoita kuti nguva zhinji ange arere, akapfugama kana kumira.

Kwayedza payakaita hurukuro naTarisai, aiva akamira ndokuzoguma apfugama nekuda kwemarwadzo ekumira, apo aingochema.

Anoti anombofamba kumaporofita kana kun’anga, uko anoudzwa kuti akaroyiwa nemurume wekuSouth Africa senzira yekuti apfume.

Mushure mekudanana nemurume uyu, Tarisai anoti akazomboshereketa nevamwe varume.

Mimba yava nemwedzi misere yaanayo anoti haazive kuti ndeya ani.

“Ndine pamuviri pandisina kunyoresa kusikero uye handinyatsoziva kuti ndepa ani. Ndakagumisira naRowan uyo wandaigara naye kuGlen View.”

Pari zvino Tarisai haana pekugara sezvo achiti akadzingwa natete vake pamba pasekuru vake, baba vababa vake, panhamba 4809 Glen Norah A.

“Tete vangu, Elby Batoni, vakandidzinga pamba pasekuru. Baba vangu vainzi Sande Batoni amai vachinzi Josphine Mashayamombe, vose vakafa ndiri mudiki.

“Tete ndivo vave kugara nemhuri yavo pamba apa ini ndave kungotenderera nenyika. Ndinorara muma’car park’ kana mudzimba dzevanhu vanondibatsira nekundipawo chekudya,” akadaro.

Anoti akadzingwa pamba apa nekuda kwekurwara kwaari kuita.

“Pamba ipapa ndipo pandakakurira ndichichengetwa naambuya amai vababa, Mbuya Damarous Suware avo vakazofa.”

Tete vaTarisai ava, Elby Batoni, vakaramba nyaya yekuti vakamudzinga pamba, vachiti aive pfambi yaingomberereka nenyika.

“Tarisai haanzwe, ipfambi. Anotiza pano uye anorwara zvikuru. Anonwa mapiritsi arimo mumba umu, dittol yekumugeza nesipo yacho nezvimwe zvirimo mumba umu.

“Anoita zvechipfambi kuGlen Norah, Glen View, Highfield, Mbare, Kuwadzana nekumwe,” vakadaro tete ava.

Vanoti dzimwe hama dzakamudzinga nekuda kwemisikanzwa yake.

“Vana ava vakasiiwa nevabereki vavo vari vana uye ndiye gotwe. Mukoma wake Nerifa ari kuBulawayo akamudzinga, bhudhi Alec vekuKuwadzana vakamutandanisa futi. Takawanda sitereki vanhu vekwaBatoni, asi hapana anoda Tari nekuda kwemisikanzwa yake, ipfambi,” vakadaro.

Vanoti vakatomboenda kunomuburitsa mujeri abatwa nenyaya dzekuita chipfambi kumaAvenues, muHarare.

Tete ava vanotizve vanoda kuendesa Tarisai kunzvimbo yeMashambanzou iri muHarare kuti anogarako.

Zvakadai, magwaro ekuchipatara emusikana uyu akaonekwa neKwayedza anoratidza kuti ane mhopo uye kuti ane pamuviri panotarisirwa kuponwa musi wa21 Gunyana 2015.

Kuchipatara akati anofungira kutmimba iyi ndeyaRowan, uyo waakanyoresa kuti anotengesa mumigwagwa (vendor).

Tete vaTarisai vanobatika panhare dzinoti 0777 386 083.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey