Pfuma inoshandirwa, kwete zvemishonga

17 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

MAPATYA akazvarwa akabatana (Siamese twins) – Kupakwashe naTapiwanashe – vakakwanisa kupatsanurwa pasina njodzi namachiremba, vakasvitsa makore maviri musi wa22 Kubvumbi gore rino. Machiremba akakwanisa kupatsanura vana ava vakanga vakabatana kubva pasi pezvipfuva, kusvika kumusoro kwematumbu. Vana ava vaishandisa chiropa chimwe chete.

Basa rakaitwa iri rakapihwa pembedzo zvichinzi Zimbabwe yayaruka mune zvokurapa, uye varapi vave kukwikwidza nanamazvikokota vemhiri kwamakungwa.

Vanachiremba kana vabereki vamapatya ava havana kupihwa mhosva kana kunzi vaita mashura padunhu, achatadzisa mvura kunaya.

Ndosaka zvichinzi china manenji hachifambisi. Aiziva kuti nhasi uno vana vakadai vangazvarwa, vagoraramiswa munyika muno, kuchitoita chipatara nanachiremba vanoita shungu yokuti maSiamese twins aya ararame ndiani?

Aizviziva zvakare kuti mapatya ari kungozvarwa mazuva ese angararame agove vanhu pavanhu munyika muno ndiani? Aizivawo kuti vakaremara kusanganisira masope (albinos) vangazvarwa pasina dambudziko vagorarama munyika muno ndiani?

Asi zviri kuitika. Hapasisina mashura nokuti vaifunga kuti zizi rine nyanga, vakazoona kuti manhenga chete. Kwaive kungouraya vana vasina mhosva pamusana pokusaziva.

Dai munyori, muchakabvu Norbert M. Mutasa ari mupenyu, aitiudza kuti chakaita kuti azonyora bhuku rake “Mapatya”, chaive chokuti akange anzwa nokuongorora zvakawanda mune dzimwe tsika namararamiro zvaifungidzirwa kuti zvakanaka, asi dziri tsika dzaidzorera vanhu shure.

Mapatya, vakaremara, masope vaiuraiwa vachangozvarwa, vanhu vazhinji vasati vatomboziva kuti kwazvarwa mwana akadaro.

Asi, nguva payakwana yokuti zvipere zvese izvozvo, zvakaitika uye vave kurarama. Hongu kune dzimwe nzvimbo dzichiri nerusarura, dzinotarisa kodzero dzavana nemuzvikwata zvakadai, asi varipo vanoona nokupa dzidziso yokuti munhu wese ane kodzero yokurarama nokuitawo zvaanoshuvira muupenyu hwake.

Nhasi uno tichipembera zuva reDay of the African Child, ndinoona iri nguva yokuti titarise kwatakabva kubva gore ra1976, vana vokuSouth Africa vachiurayirwa kodzero dzavo kusvika nhasi uno, tozvibvunza kuti ndezvipi zvatiri kususukidza zvisisakwane mumazuva ano?

Izvi hazvisi zveveZimbabwe chete, asi Africa yese, nokuti pane dzimwe tsika namagariro zvatichakabatirira, tsika dzatinoti ndedzamadzitateguru, asi dziri tsika dzinoparadza.

Kune dzimwe nyika vana vachiri kuzvarirwa, uyewo mudzimai afirwa anonzi ngaagarwe nhaka, zvisinei nokuti kune chirwere cheHIV neAids.

Vamwewo vachiri nepfungwa yokuti pafa munhu hapashaikwi muroyi, saka ngakuendwe kugata. Vanhu vanoenda kugata, asi vave kudzoka vanenge vave rumwe rumwe. Kune dzimwe mhuri, makuva anonowanda, vanhu vave kutemana zvakare.

Kwoitawo vanhu vanofunga kuti hazvigoni kuti vaite mabhizinesi anobudirira vasina kushandisa mishonga, kunyanya mushonga unosanganiswa nenhengo dzavanhu vanenge vapondwa.

Panyaya iyi, Africa, ndipo patiri kuperera; kudyiwa nechakapedzambudzi chaicho. Munhu anogona kuve nezano rine ungwaru rokuita bhizinesi, asiwo, anonzwa kuti kunyange mari nezvimwe zvese zviripo, hazvina kukwana kana pasina kumboiswa tumidzi midzi, nenhengo dzemunhu apondwa kuti bhizinesi risimuke nokufamba zvakanaka.

Vakadzidza navasina, zvimwe chete, vanongonzwa kuti vasekuru kana ambuya vanofanirwa kundipa zvinhu zvokutsigisa bhizinesi rangu.

Pamusana pokufunga kwakapusa kudai, masope munyika yokuMalawi vapinda pakaoma, nokuti vari kuurairwa nhengo dzemiviri yavo, kusanganisira mabhonzo zvichitengeswa kunosimudza mabhizinesi.

Ndiri pakati pokunyora kudai, nyaya yacho yasimuka zvokuti kana masangano anoona nezvekodzero kusanganisira Amnesty International apindira munyaya yacho.

Masope vapinda padambudziko, nokuti vari kuvhimwa semhuka. Vawanikwa, vanobiwa, vopondwa, nhengo dzomuviri dzotengeswa kun’anga dzinoita mabasa iwaya, dzichinyepera vanhu kuti zvinopfumisa.

Zvapinza hurumende yaMuzvinafundo Arthur Mutharika padambudziko nokuti vari kunzi ngavaone kuti upenyu hwamasope hwachengetedzwa. President Mutharika vari kuti vanhu vanoita mabasa aya magandanga, saka vanofanirwa kurwiswa.

Musi wakacherechedzwa International Albinism Awareness Day mutungamiri weMalawi vakakungura vachiti: “People elsewhere are taking us as fools. They think we are ignorant. This is embarrassing . . . It is sinful. The people who are telling people that it makes people rich are not even rich. They are wearing rags. How can a person like this make you rich if he himself cannot make himself rich?”

Muno muZimbabwe varimo vana Tsikamutanda nezviporofita zvenhema vanodya zvamarema, savaumbi vehari. Ngariyambukwe zambuko iri, nhasi uno tichipemebera zuva ravana veAfrica. Pfuma inoshandirwa, kwete kuuya nemishonga yokuponda vanhu.

Share This:

Sponsored Links