Pfuyai mbudzi: zcfu

09 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Pfuyai mbudzi: zcfu VaWonder Chabikwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu
SANGANO rinomirira varimi vakuru munyika muno reZimbabwe Commercial Farmers Union (ZCFU) rokurudzira kuti vapfuye mbudzi dzakawanda pane kungochengeta dzekudya chete sezvo vachikwanisa kuwana pundutso kuburikidza nekudzitengesa.

Mukuru weZCFU, VaWonder Chabikwa, vanoti varimi vanofanirwa kubvisa pfungwa mavari dzekuti mombe chete ndidzo dzakakosha kudarika zvimwe zvipfuyo.

“Tiri kuti sevarimi ngatipindei mukupfuya mbudzi sezvimwe zvipfuyo zvose nekuti zvakaita sembudzi dzinokwanisa kupa varimi mari inodarika yemombe kana vachiziva zvavanoita,” vanodaro VaChabikwa.

Vanoti murimi akava nembudzi dzake pamusha dzinodarika zana zvinoreva kuti kana akadzitengesa anowana mari inodarika $6 000. VaChabikwa vanoti mbudzi hadzinetse kupfuya uye dzinoda kuvakirwa matanga asingapinde mvura nekubaiwawo majekiseni ekudzivirira zvirwere zvakasiyana nguva nenguva.

“Mbudzi kungotsvaga nzvimbo yatinoisa padhoki redu umo dzisingabude matinodzipira kudya kana kuti madzinofura dziri nematanga adzo asingapinde mvura todzibayawo majekiseni nekudzimwaya mishonga yekubvisa zvikwekwe. Kungodaro chete zvipfuyo zvedu izvi zvinowanda nguva duku duku, zvinoreva kuti tikaita sheshe 50 dzembudzi panopera gore mbudzi dzedu dzinenge dzave kudarika zana,” vanodaro.

Sangano rinomirira varimi vakuru munyika muno reZimbabwe Commmercial Farmers Union (ZCFU) rokurudzira kuti vapfuye mbudzi dzakawanda pane kungochengeta dzekudya chete sezvo vachikwanisa kuwana pundutso kuburikidza nekudzitengesa.

VaChabikwa vanoti mbudzi chipfuyo chinosimbisa musha chichitsigirana nehuku, hwai, mombe nezvimwewo zvakawanda.

Vanoti nekuda kwechinangwa chesangano ravo chekusimudzira kupfuiwa kwembudzi, vari kufamba vachiitisa varimi zvidzidzo zvekudzipfuya kumatunhu ose enyika.

Munyika yose munonzi mune mbudzi dziri pakati pe3,4 miriyoni ne3,5 miriyoni.

Chikamu chembudzi dzose dzemunyika chinokwana 97% chinonzi chiri muvarimi vadiki.

Masvingo Province ndiro dunhu rinonzi rine mbudzi dzakawanda kudarika mamwe matunhu.

“Hatitorei mukana uyu wekusanetsa kwadzo kupfuya tochengeta dzakawanda towana mari. Izvozvi mwana akadzingwa kuchikoro tinonzwa varimi vave kuti tengesai mbudzi mbiri kana nhatu zvinoreva kuti dzine basa guru pamusha,” vanodaro VaChabikwa.

Mhando dzembudzi dzinosanganisira maBoer, Kalahari Matebele, nedzimwewo dzinonyanya kuwanikwa kunyika dzekunze.

“Kwekutengesera mbudzi hakushaikwe muno nekunze saka tinoti kuvarimi ngavapfuye mbudzi zvemhando yepamusoro nekuti kune dzimwe nyika mbudzi ikakura chaizvo inogona kuita mari iri pakati pe$100 kusvika $150. Muno tine nzvimbo dzinoita mbudzi zvakanaka zvikuru dzinosanganisira kuMatebeleland, Mashonaland Central, Manicaland, Mashonaland West neMidlands,” vanodaro VaChabikwa.

Vanoti vari kushanda pamwe chete nesangano reZimbabwe Goats Producers Association mukusimudzira kupfuiwa kwembudzi.

Mbudzi dzinowanisa varimi nyama, mupfudze, mukaka uyewo nematehwe vamwewo vachida nyanga dzacho.

Share This:

Sponsored Links