Pindai mugwara: Dokora

10 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
Pindai mugwara: Dokora VaDokora

Kwayedza

‘Remekedzai mitauro yemuno’

‘Zvakanakirei kupasa Shona?’

KUNYANGWE zvazvo bumbiro remutemo weZimbabwe richikoshesa kuti mitauro yemuno, iyo inokwana 16, idzidziswe muzvikoro, izvi hazvizi kutevedzwa nezvimwe zvikoro.

Nguva pfupi yadarika, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vakayambira zvimwe zvikoro zvakazvimirira izvo zvisiri kukoshesa kufundiswa kwemitauro yemuno yakaita seShona kana Ndebele.

“Kudzidziswa kwevana mitauro yemuno kwakakosha zvikuru uye zvinenge zvichireva kuti nyika iri kutevedza zviri mubumbiro remutemo. Kune zvimwe zvikoro zvakazvimiririra nezveEarly Childhood Development (ECD) zvinosvika 22 zvisati zvave kutevedzera mutemo uyu. Zvikoro izvi zvinofanira kupinda mugwara rine zvimwe.

“Mitauro yemuno yakakosha zvikuru nekuti inoita kuti tinzwisise kuti tiri vana ani uye takabva kupi, tichitarisa nyaya dzemapfekero edu, nzvimbo uye tsika nemagariro. Bumbiro redu muChikamu 1 Section 6 rinoti nyika inofanira kutsigira nekusimudzira kushandiswa kwemitauro yemuno nevagari vemuZimbabwe ichikumikidza mirawu inoita kuti inge ichichengetedzwa,” vakadaro.

Vanoti bazi ravo riri kudzidzisa varairidzi vanodarika 220 mitauro yemuno kuUniversity of Zimbabwe senzira yekusimudzira mitauro iyi.

Zvakadaro, Kwayedza yakaita hurukuro nevadzidzi pamwe nevamwe vabereki pamusoro penyaya iyi, avo vakapa mafungiro avo akasiyana.

Vamwe vanoti kunofanirwa kudzikwa mitemo inoti kana mwana asina kupasa rurimi rwaamai seShona kana Ndebele, haawane nzvimbo yekuyunivhesiti, koreji kana basa. Pari zvino kunosusukidzwa chiRungu nemasvomho.

“Mitauro yedu yemuno tinoikoshesa zvikuru, kunyanya Shona. Asi dambudziko nderekuti muupenyu hwatiri kurarama vamwe vanhu vari kutsvaga zvinhu zvinovapa remangwana rakajeka, zvikuru munyaya dzemabasa.

“Chinorwadza ndechekuti kana tikapasa Shona kana Ndebele mabasa acho mashoma anotarisa izvozvo sezvo chiRungu nemasvomhu zviri izvo zviri kutungamidzwa mberi bedzi,” akadaro Tatenda Moyo (15) uyo anodzidza paMauya Adventist Secondary, kuKaroi.

Nicolla Nyamasoka (16) wepachikoro chimwe chete ichi anoti mitauro yemuno inomunetsa

nekuti muzvikoro zvavanodzidza vanokurudzirwa kutaura chiRungu bedzi.

“Shona ndinoidzidza kuchikoro asi nguva zhinji tinosungirwa kutaura chiRungu. Kutaura chokwadi, handisati ndambopasa Shona nekuti zvimwe zvezvinhu zvatinofundiswa zvinogozha uye handi Shona yatinogara tichitaura mazuva ose,” akadaro Nyamasoka.

Tafadzwa Chinyama (18), uyo ari kuita Form 3 paConway College, anoti haaoni zvakakodzera kuti vadzidzi vamanikidzwe kudzidza mitauro yemuno.

“Ini ndinoti isarudzo yemunhu kuita zvidzidzo zvaanoda nekuti vadzidzi vanosarudza zvinhu zvakavakoshera muupenyu hwavo. Kuti mitauro yemuno icherechedzwe mabasa ane chekuita nemitauro iyoyo anofanira zvekare kuwanikwa.

“Kazhinji unoona vanhu vari kuita mabasa ekunyora mabhuku, nhetembo, kuimba nezvimwe zvine chekuita nemitauro yemuno asi hazvina tsigiro yakati tsvetere. Ndokusaka zvimwe zvikoro zvakazvimiririra zvave kusiya mitauro iyi nekuti mudzidzi haangabvisi mari yakawanda yechikoro kuti agoenda kunoimba kana kuimba kwacho riri bhizimusi risina mari,” akadaro.

Anold Nyakonda (18) wepakoreji imwe chete iyi anotiwo akatosiya chidzidzo cheShona paakange ari muForm 3 nekuda kwekuti chakange chichimugozhera.

“Zvidzidzo zvine chekuita nemitauro yemuno zvinofanira kurerutswa pamazamanishoni nekuti kana zvikaramba zvichigozha kudai handifungi kuti vadzidzi vangazvifarira. Tinoona mamwe mazwi ari kushandiswa muShona anotityisa nekuti hatisati takamboanzwa. Shona ngaingove yakareruka seiyo yatinotaura mudzimba mazuva ose,” akadaro.

Bumbiro remutemo renyika ino, reCostitution of Zimbabwe Amendment (No. 20) Act 2013 rinocherechedza mitauro 16 iyo inonzi inofanirwa kusimudzirwa. Mitauro iyi ndeinoti kutaura nekuratidzira (sign language), Chewa, Chibarwe, Kalanga, Shona, Ndau, Koisan, Ndebele, Nambya, Shangani, Sotho, Tonga, Tswana, Venda, Xhosa nechiRungu.

Share This:

Sponsored Links