Uncategorized

Potraz yoparadzira ruzivo rwekombiyuta

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Potraz yoparadzira ruzivo rwekombiyuta Dr Gift Machengete

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
Postal and Telecommunications Regulatory Authority of Zimbabwe (Potraz) inoti yakazvipira kuti vagari vekumaruwa vawane mukana wekushandisa dandemutande mukutsvaga ruzivo rwakasiyana pamwe nekufambisa mashoko kuburikidza nemakombiyuta.

Mashoko aya akataurwa svondo rapera nachamangwiza (director general) wePotraz, Dr Gift Machengete, pamusangano wavakaita nevatori venhau kuKadoma.

“Kambani yedu ine basa guru mukushanda nemamwe makambani ari mune zvemichina yekufambisa mashoko yechizvino-zvino muzvirongwa zvekuti veruzhinji vaenderane nenguva munyaya dzeICT. Nyika zhinji pasi rose dziri kuita zvirongwa zvekuti shanduko iyi ivepo. Muno muZimbabwe, Potraz iri kuvaka mizinda yemaCommunity Information Centres iyo iri kuvhurwa kumadhorobha makuru nemadiki senzira yekuti vanhu vari munharaunda dzakapoteredza vadzidziswe kushandiswa kwemakombuyita nedandemutande. Chinangwa chikuru ndechekuti veruzhinji vave neruzivo pakushandiswa kwemakombiyuta nedandemutande mukutsvaga ruzivo mune zvakasiyana pamwe nekufambisa mashoko,” vanodaro Dr Machengete.

Vanoenderera mberi vachiti, “MaCommunity Information Centres haasi kufanira kugumira mumadhorobha chete. Tichatarisawo nzvimbo dzatinoona kuti dzine vanhu vanoungana vakawanda zvekuti pakaiswa makombiyuta anobatsira vakawanda. Tikadai, zvichave nyore kuti vanhu vakapoteredza vapote vachienda kunodzidziswa kufambiswa kwemashoko nemichina yezvino-zvino.”

Vanoti makombiyuta ari kuiswa mumizinda inoungana veruzhinji aya ari kubatsira zvikuru munyaya dzekutsvaga ruzivo rwakasiyana.

“Kune vamwe vanhu vari kunzvimbo dzekumaruwa vasina kumbobvira vashandisa makombiyuta uye vasingazive kuti basa rawo nderei. Potraz iri kudzidzisa vanhu ava kubva pachidanho chekutanga cheruzivo rwemakombiyuta kusvika vava kugona zvemhando yepamusoro. Ruzivo rwemakombiyuta inzira huru yekuvandudza budiriro munyika uye zvinobatsira mukufambiswa kwemashoko nekuita tsvagurudzo kune veruzhinji,” vanodaro.

Dr Machengete vanoti Potraz iri kutarisira kuvaka mimwe mizinda yemaCommunity Information Centres inosvika 24 kumaruwa mukati memwedzi miviri iri kutevera. Parizvino Potraz yakavaka mizinda yerudzi urwu 84 kumativi mana enyika iyo yave kutoshanda. Panguva imwe cheteyo, Potraz inoti gore rino ichafamba kumatunhu ose enyika uko ichasangana neveruzhinji ichivaudza kodzero dzavo. Nemugovera uno, Potraz inenge iri paMutoko Centre, kudunhu reMashonaland East.

 

Share This:

Sponsored Links