President Sata vakashaya

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

VANHU venyika yeZambia nevepasi rose vakafuma vachichema nemusi weChitatu svondo rino mushure mekutambira mashoko okuti mutungamiriri wenyika iyi, President Michael Sata (77), (vari pamufananidzo) vainge vashaya neChipiri chino kuLondon, kuUnited Kingdom uko vakange vanorapwa.

Chirwere chakange chaenda kunorapwa President Sata hachina kunge chaziviswa.

Kusvika pakunodhindwa kwebepanhau rino zvakange zvisati zvave kuzivikanwa kuti achatora chigaro chavo ndiani.

Munyori mudare reCabinet yeHurumende yekuZambia, VaRonald Msiska, ndivo vakazivisa nezverufu urwu. Rufu rwaPresident Sata, avo vaizivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti “King Cobra”, rwauya mazuva mashoma Zambia ichangobva kupemberera makore 50 ekuwana kuzvitonga kuzere kubva kuhutongi hweBritain. Apo vakange vaenda kunze kwenyika kunorapwa, gurukota rinoona nezvekudzivirwa kwenyika yeZambia, VaEdgar Lungu, ndivo vaive vakafanobata chigaro chemutungamiriri wenyika.

President Sata vakasarudzwa kutungamirira Zambia munaGunyana 2011 mushure mekukunda VaRupiah Banda.

Share This:

Sponsored Links