Uncategorized

President vakarumbidza mauto, magamba

15 Aug, 2014 - 00:08 0 Views
President vakarumbidza mauto, magamba

Kwayedza

PRESIDENT MUGABE

President Mugabe

ZIMBABWE neMuvhuro neChipiri svondo rino yakarangarira magamba (Heroes Day) nemauto (Zimbabwe Defence Forces Day), ayo anova mazuva akakosha zvikuru munhoroondo yenyika.Zviuru nezviuru zvevanhu nemusi weMuvhuro zvakaungana kumarinda eNational Heroes Acre, muHarare nekune dzimwe nzvimbo dzirere vakafira rusununguko rweZimbabwe vachicherechedza nekuremekedza magamba aya. Gungano remuHarare raitungamirirwa nemutungamiriri wenyika, President Mugabe.

Kusvika pari zvino paNational Heroes Acre pavigwa magamba 109 – 103 vavo vari varume vatanhatu vari vanhukadzi.

Vachitaura pachiitiko ichi, President Mugabe vakarumbidza magamba akazvipira kurwira rusununguko rweZimbabwe. Vakati kune vakawanda vakafa pamwe nekukuvara muhondo yerusununguko nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachirangarira zvinangwa zvakaita kuti hondo iyi irwiwe.

Zuva iri rakacherechedzwa zvakare kumapurovhinzi ose enyika uko makurukota anomirira matunhu aya akaverenga mashoko aPresident Mugabe.

Nemusi weChipiri vamwezve vanhu vangangosvika 60 000 vakaungana zvakare kuNational Sports Stadium, muHarare pazuva remauto.

Musi uyu, dzimwe dzemhare 21 dzakatanga hondo yerusununguko rweZimbabwe, kusanganisira vatanhatu vachiri muchiuto nevatatu vave pamudyandigere, dzichitendwa kuburikidza nekupihwa menduru naPresident Mugabe.

Vachitaura pachiitiko ichi, President Mugabe vakarumbidza mauto enyika nekuramba akashinga mukuita basa rawo pamwe nekubatsira dzimwe nyika nekudzidzisa mauto adzo neapo panenge pamuka kusagadzikana.

Vakati pari zvino chimwe chikwata chemauto eZimbabwe Defence Forces chiri kubatsira mukudzidzisa mauto ekuNamibia uye izvi zvinoratidza kudyidzana kwakanaka kwemauto emuno needzimwe nyika dziri muSadc. – The Herald.

 

Share This:

Sponsored Links