Uncategorized

President vofumura matsotsi

23 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
President vofumura matsotsi

Kwayedza

Tandayi Motsi
PRESIDENT Mnangagwa svondo rino vakazivisa mazita emakambani nevanhu vakazvimirira avo vasina kudzosa mari inosvika $1 bhiriyoni yavakaendesa kunze kwenyika zvisiri pamutemo, zvisinei nekuti Hurumende yakange yavapa mwedzi mitatu yekuti vadzore mari iyi muZimbabwe.

Muzvinabhizimisi Wicknell Chivayo, uyo pari zvino iye nekambani yake yeIntratek Zimbabwe ari kuongororwa mabasa ake nekambani yemagetsi yeZesa Holdings nedare reParamende, aripowo mushore mekuonekwa kuti akasvovesa $230 921 iyo isina kudzoswa kubva kunze kwenyika. Hurumende yakange yatara kuti mari iyi idzoswe kubva musi wa1 Zvita 2017 kusvika Chishanu chadarika.

Kutadza kudzoswa kwemari iyi kwakaona President Mnangagwa vachizivisa mazita 1 844 emakambani pamwe chete nevanhu vakazvimirira vasina kudzosa mari iyi avo vari muzvikamu zveupfumi zvinosanganisira zvemigodhi, zvekurima, zvekugadzirwa kwezvinhu nevanoita zvekupinza nekuburitsa zvinhu munyika.

Pamari inosvika $1,4 bhiriyoni yakaendeswa kunze kwenyika zvisiri pamutemo, $591,1 miriyoni yakadzoswa muZimbabwe asi imwe $826,5 miriyoni haina kudzoswa. Mari iyi yakaendeswa kunze kwenyika kuburikidza nenzira dzinosanganisira kutengesa zvinhu kunze mari yacho isingazounzwa muZimbabwe, kutenga zvinhu zvisina kuzouya munyika muno pamwe nemari yakaendeswa kumabhengi ekune dzimwe nyika pachishandiswa chikiribidi.

Vanhu vakazvimirira 157 pamwe nemakambani vakaendesa kunze kwenyika $464 204 171, ndokubhenga mari yacho kunze vachishandisa chitsotsi. Mari yakawanda yakaendeswa kuChina, Botswana neSouth Africa.

Mamwe emakambani akaendesa mari kunze kwenyika anosanganisira Jinan iyo yakaburitsa $332,9 miriyoni ichiendesa kuBotswana nekuChina neAgri Sweet Investments yakaburitsa $33 miriyoni ichienda kuPakistan neSouth Africa. Metallion Gold yakaburitsa $25 miriyoni iyo yakaenda nekuBotswana apowo muimbi wenziyo dzechitendero, Elias Musakwa, akaburitsa $9 miriyoni ikaenda kuPortugal.

Makambani akaburitsa mari kunze kwenyika mushure mekunge abhadhara zvinhu zvisina kuzouya muZimbabwe anosanganisira Mosdek Investments ($2,9 miriyoni), Fuel Cafe Trading ($2,4 miriyoni) nePlanas Trading ($2,2 miriyoni).

Muchikamu ichi ndimowo mune kambani yamuzvinhabhizinesi Chivayo yeIntratek Zimbabwe, iyo yakaendesa kunze $230 921, Anjin Investments ($200 000), Pathfinder ($250 000) neHwange Colliery ($166 130). President Mnangagwa vanoti zvisinei nekuti vemabhengi nevamwe vari kuoona nenyaya iyi vakaedza nepose pavanogona, vane mazita aburitswa aya havana kuda kudzosa mari iyi muZimbabwe.

“Izvi ndizvo zvakaita kuti vari kuona nezvenyaya iyi vaburitse mazita emakambani aya nevanhu ava kuitira kuti vakoshese kuita mabasa avo nemazvo, vachitevedzera mutemo uye pazvinenge zvakakodzera avo vakaita zvisiri pamutemo vange vachitarisana nemhosva dzavo,” vanodaro.

Pamwedzi mitatu yainge yatarwa neHurumende kuti mari iyi inge ichidzoswa munyika, hapana mibvunzo yaibvunzwa kune avo vaidzosa mari iyi kana midziyo yavakange vaburitsa kunze kwenyika nechikiribidi.

 

Share This:

Sponsored Links