Pro-Vice Chancellor mutsva weNust

0

Auxillia Katongomara

MAZVIKOKOTA munyaya dzesainzi, Dr Gatsha Mazithulela, ndivo vakagadzwa pachigaro chekuve National University of Science and Technology (NUST) Pro-Vice Chancellor Innovation and Business Development apo vachange vachiona nezvekuvandudzwa kweruzivo nekusimudzirwa kwemabhizinesi.

Mukushi wemashoko kuNUST, VaFelix Moyo, svondo rapera vakazivisa nezvekugadzwa kwaDr Mazithulela pachigaro ichi.

“Hongu, Dr Gatsha Mazithulela vakagadzwa pachigaro chaPro-Vice Chancellor Innovation and Business Development,” vanodaro.

Dr Mazithulela inyanzvi munyaya dzemabhizinesi uye vane makore anodarika 10 vachishanda mumabhodhi akasiyana. Vane magwaro edzidzo akawanda ayo anosanganisira Fogarty Aids International Training and Research Scholarship kubva kuHopkins University kuUnited States (2004) neRockefeller Foundation pre-doctoral fellowship (1995 – 1998). Dr Mazithulela vakaberekwa mugore ra1971 vakaita dzidzo yesekondari kuBulawayo uye mumwe wevanhu 270 vakatanga NUST apo yunivhesiti iyi yakavhurwa muna1991.

Vakaita zvidzidzo zveBachelor of Applied Science (Hons) in Biology and Bio-chemistry muna1994 vakazowana bhezari kubva kuRockefeller Foundation rekuti vanoita zvidzidzo zveGenetic Engineering paJohn Innes Centre, kuUnited kingdom.

Dr Mazithulela vakapedza zvidzidzo zvePHD in Genetic Engineering apo vaive nemakore 27 okuberekwa ndokushanda kuUnited States neUnited Kingdom. Vakaenderera mberi nefundo ndokuita MBA kuLondon.

Share.

About Author