Uncategorized

prophet opofomadza vanhu

17 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
prophet opofomadza vanhu

Kwayedza

Achinamata akavatsika padumbu

Kingstone Mapupu —
KUIMWE chechi iri mumusha weGlen Norah C, muHarare, kuri kuitika zvinogara zvakadaro.

Mukuru wechechi iyi anoti kana onamata kana kuti odzikinura vanhu, anenge akakwira kana kuti achitsokodzera vamwe vacho — kusanganisira chembere netuvana — avo vanenge vakaita gatakata pasi vakafenda. Mazidhiramu anenge asina chinhu mukati, asi akatasvwa nevanhu vanenge vachitamba, anogadzikwa pamusoro pevaya vanenge vakafenda.

Panguva imwe cheteyo, vamwe vatendi vanenge vatanga vaitwa mapofu, mbeveve, zvirema nekukotsiriswa asi mukuru wechechi uyu achizovaponesa pava pashure. Zvose zvichinzi kudzikinurwa.

Izvi ndizvo zviri kuitika kuJubilee City International Church, iyo yakavambwa muna 2007 uye inotungamirirwa naProphet Wiriranayi Gomani (36).

Kukotsiriswa kunoitwa vatendi ava kunodaidzwa kuti “comatose”.

Izvi zvinonzi zvinoitirwa kuti vatendi ava vasimbiswe pamwe nekuporeswa nemweya mutsvene sezvo vachinzi vanenge vakakombwa nengirozi dzichivaporesa panguva yavanenge vakafenda iyi.


Panguva iyi zvakare, vatendi ava vanonzi vanenge vachitoona zviratidzo zveupenyu hwavo hwakare nehuchazouya.

“Nzira yekubatsira vanhu iyi inonzi comatose, iyo yatingati muchiRungu ‘spiritual operation’ inoitwa nengirozi pamunhu. Hapana hutsinye, kushereketa kana kuromba sezvingafungwa nevamwe asi kuti isimba raMwari chairo rinenge richishanda.

“Panguva iyoyi yatinokotsirisa vanhu ava, ngirozi dzaMwari dzinenge dzichiita operesheni kubva kunyama nekumweya yevanhu. Saka muchiona vachioneswa zvose kubva kuvavengi vavo, kana akakubira chaiye. Unoonawo upenyu hutsva huchauya, kunyangwe munhu waucharoora nemichato yamuchaita zvinobuda,” vanodaro Prophet Gomani.

Vanoenderera mberi vachiti: “Senzira yekuonesa vatenderi vangu simba raMwari, vamwe tinovaitisa mapofu, mhetamakumbo, matsi, mbeveve nezvimwe asi tinozovaitisa zvakanaka votanga zvavo kurarama upenyu hwavo hwemazuva ose.”

Panyaya yekunamatira vanhu achivatsika-tsika, Prophet Gomani anoti hapana chakaipa kana kuvatsitsirira nemadhiramu pamusoro.

“Simba randinoshandisa mukunamatira ndinoritsigira negwaro raGenesis Chapter 2 verse 21 kusvika kuna 24 apo Adam akarariswa mbabvu yake ikabviswa ikaiswa kuna Eve pasina kurwadziwa kwake. Zvinofambiranawo negwaro raExodus Chapter 24 apo Moses akaita mazuva makumi mana nehusiku makumi mana asina kudya, asina kunzwa nzara akazopihwa zano rekuvaka areka, icomatose iyoyo yakagara iriko,” vanodaro.

Prophet Gomani vanoti kubva pavakatanga manamatiro aya, vatendi vavo vari kudzikinurwa zvikuru.

Kwayedza yakaona Prophet Gomani vachitsika-tsika vanhu vanonzi vaiva vakotsiriswa.

Pane imwe chembere yakatsikwa-tsikwa padumbu nepachipfuva ikazoguma yave kurutsa zvinhu zvainzi inyama dzevanhu iyo yainonzi yakadyiswa nevaroyi.

Chembere iyi yakazotsitsirirwa nedhiramu padumbu rikatanga kutsikwa-tsikwa nevarume vaviri.

Ambuya ava vakataurawo nerainzi dhimoni raiti raida kudya vana vavo vose richiti vanodada nekuwana kwavo. Vamwe vanhu vainzi vakaitiswa mbeveve nehupofu Kwayedza iripo vakazotaurwa navo vakatsinhira izvi.

“Ndanga ndisisagone kutaura, ndisisaone kwenguva yose iyi. Ndazongoerekana ndasvinura ndichinamatirwa,” anodaro mumwe mudzimai.

Kwayedza yakaita hurukuro nemumwe wevanamati vechechi iyi — Ronson Mako (40) — avo vanoti vakakotsiriswa ndokuona chiratidzo chemwana wavo ava chiremba ane mari yakawanda.

“Bhizimisi rangu ndakaona richisimukira ndava nemichina mitsva muworkshop angu nemota dzakawanda nedzimba mbiri,” vanodaro.

Judith Shayanewako (36) anotiwo akaratidzwa mukomana achamuroora nevana vaachabereka uye mhando yemotokari yaachafamba nayo.

Mai Magarate Makaripe (36) vanoti vakaratidzwa munhu akavadyisa mushonga wakaiswa muderere apo vaiva nemakore 13 okuberekwa ndokutanga kurwadziwa nechipfuya.

“Ndakaoneswa kudaro ndakazorutsa chandainge ndadyiswa ichi ndikakotsiriswa, izvozvi zvakapera,” vanodaro Mai Makaripe.

Caroline Bangezhano (23) anoti nzira yekunamatirwa vachikotsiriswa iyi yakamubatsira zvikuru sezvo ave kuziva zvakavandika mukurarama kwake.

Tapiwanashe Makuya (22) anotsinhirawo achiti akaratidzwa munhu waachachata naye, gore razvichaitika nekunzvimbo yacho nezvose zvaachaita mukurarama kwake.

Share This:

Sponsored Links