‘psl dzosai nhabvu patv’

06 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
‘psl dzosai nhabvu patv’ Chido Chizondo

Kwayedza

Abel Ndooka
ZVIKWATA zvinokwikwidza muCastle Premiership zviri kunyunyuta zvikuru nekusashambadzwa kuri kuitwa mitambo yazvo paterevhizheni sezvo sangano rePremier Soccer League risati rawana kambani inokwanisa kutepfenyura mitambo iyi.

Zvichitevera kupera kwakaita chibvumirano chekutepfenyura mitambo iyi pakati pePSL neSuperSport gore radarika, iye zvino PSL iri mushishi kutsvaga kambani inokwanisa kukotsvera kuti mitambo iyi ikwanise kunge ichitepfenyurwa – pangave peterevhizheni kana pazviteshi zvakasiyana zvemaredhiyo.
Zvikwata zvenhabvu zvinoda chaizvo kuti mitambo yazvo iburitswe paterevhizheni sezvo uri mukana mukuru wekuzvishambadza pamwe nekushambadza vatambi vazvo vagoonekwa nezvikwata zvekunze kwenyika.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro nezvikwata zvakasiyana izvo zviri kunyunyuta nekusaburitswa kuri kuitwa mitambo iyi paterevhizheni.
Munyori mukuru weDynamos FC, Webster Marechera, anoti nhau iyi haisi kungokangisa DeMbare chete asi zvikwata zvese zvinokwikwidza muPSL zviri 18 uye sangano rePSL ndiro rinoziva kuti riri kugadzirisa sei nyaya iyi.

“Inyaya iri kubata zvikwata zvese saka PSL ndiyo inokwanisa kutaura pamusoro pazvo yozivisa mamiriro azvakaita panyaya iyi.
“PSL ndiyo ingave neruzivo uye vanokwanisa kutaura pamusoro penyaya iyi,” anodaro Marechera.
Mashoko ake anotsinhirwa nemukushi wemashoko weFC Platinum – Chido Chizondo – achiti chikwata chavo hachikwanise kutaura zvakawanda pamusoro penyaya iyi.

“Isu zvedu takaziviswa kuti ndizvo zviri kuitika saka tongoshanda nezviripo uye tichimirira kunzwa kubva kwavari kana vane vavanenge vawirirana navo.
“Isu sechikwata hatina zvakawanda zvatinokwanisa kutaura nekuti tinotya kuzotyora mutemo saka tinongozvisiira mumaoko ePSL kuti vatsvage dhiri rakanaka richazonakira zvikwata zvese,” anodaro Chizondo.

Zvakadai, mutauriri wePSL – Kudzai Bare – paakabvunzwa neKwayedza nezvenyaya iyi anoti vakatumira matsamba kumakambani ematerevhizheni akasiyana saka vari pakati pekuita hurukuro nemamwe emakambani aya pamusoro penyaya yekuti mitambo iyi inge ichitepfenyurwa.
“Nyaya iyi ndiyo yatiri kumboongorora parizvino saka hatina zvatinokwanisa kutaura parizvino. Kana tapedza kutsvaga tawana tichakuzivisai, asi kutaura kuno tichiri kuita tsvakurudzo yedu.
“Ndine hurombo, handina zvakawanda zvekutaura nekuti maoko angu akasungwa parizvino,” anodaro Bare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>