Punk odzoka munhandare

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Punk odzoka munhandare CM Punk

Kwayedza

AIMBOVE mutambi weWWE, CM Punk (39), akazivisa kuti achakwikwidza zvakare mumutambo weUFC kechipiri gore rino.

Mutambi uyu – uyo anonzi Phil Brooks zita rake rekuberekwa – akarega kuita zvewrestling kuti agokwikwidza muUFC mugore ra2014 asi akanyadziswa zvikuru mumutambo wake wekutanga apo akakundwa naMickey Gall mugore ra2016.

Kukundwa kwaakaitwa ndiko kwakatuma vanoshoropodza vazhinji kuti vabvunze kuti sei UFC yakazosayina mutambi uyu zvakare uyo asina ruzivo rwemixed martial arts.

Asi mapuromota emutambo uyu vakazvipira kupa Punk mumwe mukana apo pachadzoka mutambo uyu muna Chikumi kwaanogara kuChicago kumutambo weUFC 225.

UFC haisati yazivisa kuti Punk achadzoka zveshuwa here mumutambo uyu asi mutungamiri wayo Dana White anotsinhira kuti ane tarisiro yekumupa mumwe mukana.

“Ndinofarira muchinda uyu, munhu akanaka manje,” White akadaro. “Ave kuda mumwe mukana. Ave kuda kukwikwidza zvakare saka ini ndichamutendera kuti agokwikwidze.

“Akasiyana zvikuru nevamwe vatambi saka ndiri kuzomupa mumwe mukana.”

Mutambi achasangana naPunk haasati azivikanwa asi ari kutarisirwa zvikuru ndiMike Jackson uyo akangotamba mutambo mumwe chete akauhwina. Chizvarwa chekuAmerica ichi chakaramba chichingoita gadziriro dzacho kubva paakakundwa mumutambo wake wekutanga uye varairidzi vake nevamwe vatambi vaanotamba navo vanotarisira zvikuru kuti mutambo wake wechipiri unotevera uchange uchanakidza kudarika wekutanga. – SportsMail UFC

 

Share This:

Sponsored Links