Pura mari nechibage chinyoro

10 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Pura mari nechibage chinyoro Mbeu yeSC727 “Casa Banana” inogona kuita shura nekupakata kana ikarimwa zvakanaka

Kwayedza

Philip Matombo
TINOKUKWAZISAI varimi kumativi ose enyika pachirongwa chatinodzidzisana kurima navasahwira venyu veSeed Co. Chinangwa chiri chekuti bhizimisi redu rekurima rifambe zvakanaka, nyika yedu igoguta.

Svondo rino tichakurukura nezvekurima chibage chemuChirimo (green mealies) sezvo chando chava kupera.

Vakuru vakati apunyaira haashayi misodzi saka kuvarimi vane madiridziro tinokukurudzirai kuti murime chibage ichi sezvo chiine mukana wekukupai mari yakawanda kana ukagona kusarudza mbeu yakanaka nekuchirima nemazvo uye nenguva.

SeSeed Co, pedu takasakura tikazunza pakukuuchikirai mbeu dzinoita miguri mihombe isinganetsi kutengesa pamusika  uye dzichitapira pakudya dzakaita seSc 727, Sc 719, Sc 637 neSc 513 idzi ndedze chibage chichena uye Sc 608 neSc 402 dzechibage cheyellow (Kenya). Chibage chemuChirimo hachiwanzonetsa kutengesa sezvo vanotenga vachiuya mumunda vototenga, murimi osara homwe dzichiremerwa nemari.

Mbeu inonzi Sc 727 ndinofunga varimi munotenderana nesu kuti imbeu inoita zimuguri zihombe zvekuti kana murimi ukasvika nacho pamusika, dzimwe mbeu dzinotombomira kutengwa iwe wotengerwa wotodzoka kumba chikwama chako chazara nemari. Imbeu inotora mazuva akati wandei pane dzimwe asi musaitya nekuti mazuva ayo ekuti igocheke haanyanyi kusiyana nemazuva anodarika 15 nembeu dzeShumba dzakaita seSc 608 neSc 637.

Iko zvino mbeu iyi yashura mare kuvarimi ndokuzodaidzwa zita remadunhurirwa rekuti “Casa Banana” nekuda kwekutapira pakudya nekukura kwemiguri.

Tinewozve mbeu yerudzi rweKenya (yellow) inonzi Sc 608, iyo yanetsa pamusika kwemakore. Yakazopihwa zita rekuti “Fire Craker” mushure mekuona kuti kana uchigocha chibage ichi, chinoputika semaputi, chakapfava uye chinotapira.

Saka pamusika unongonzwa kuti Fire Craker yauya kana wasvika nacho zvichireva kuti hachinetsi kutengesa, kunyanya kana wachirima zvakanaka.

Sc 608 imbeu inoita miguri mihombe, inotapira pakudya uye ukaityora nhasi mangwani chibage chacho chinenge chichingotapira zvekare inopa murimi mazuva akati wandei isati yaoma mumunda ichitengeseka segreen mealies.

Ndokusaka tichiti “Kuti Seed Co ndokuti mbeu . . . Kuti mbeu ndokuti Seed Co!”

Tinokurudzira varimi kuti chando zvachapera kudai, sunungukai kurima mbeu idzi asi kunzvimbo dzakafanana neMuzarabani nekuMiddle Sabi, chibage chinorimwa nguva dzose. Izvi zvinoitirwa kuti kana kuchitonhora chibage hachikuri, miguri yoita midiki kunyange tikachipa kudya kwakadii.

Munguva yechando chibage chinowanzoobatwa nechirwere cheMaize Streak Virus (MSV) saka zvisinei nekuti imbeu ipi, tengai mushonga unonzi Gauco  kana Cruiser mousanganisa nembeu musati madyara kudzivirira chirwere ichi. Chirwere ichi chinochenurutsa mashizha chimwe chibage chototadza kubereka miguri inotengeseka.

Sezvo tichitengesa miguri, kuti tiwane miguri inotengeseka yakawanda uye tisanetseke pakuitengesa ichinzi nevatengi midoko.

Pamusoro pekusarudza mbeu yakanaka, tinokukurudzirai kuti musanyanya kubatanidza chibage ichi pakudyara.

Dyarai madzinde ari pakati pe36 000 kusvika 40 000 pahekita. Semuenzaniso, mukadyara 90cm kubva pane mumwe mutsara kuenda pane mumwe, mozoti 30cm kubva pane rimwe dzinde kuenda pane rimwe munowana 36 000 madzinde pahekita.

Chibage chakafaranuka chinokupai miguri mihombe inomhanyirwa nevatengi. Ukawanza madzinde pahekita unowana chibage chakawanda asi chinonetsa kutengesa sezvo miguri yacho inozoitawo midiki.

Chibage chamera mavhiki maviri kana matatu, ngationgororei kuti gonye riya rinonzi Fall Army Worm harimo here.

Kana ririmo, riurayei richiri diki nekuti kana rakura rinotivirira kumishonga. Mimwe yemishonga inouraya gonye iri iSuper Dash neBlast Super. Zviri nani kudzivirira pane kurapa.

Tichibatsirwa nebandiko reHurumende reIrrigation, ngatirimei panoenderana nehuwandu hwemvura yatinayo mungava mudhamu kana mumugodhi. Izvi zvinotibatsirawo kuti tiwane mukoho wakananaka uye mvura isatiperera chibage chichiri kukura.

Philip Matombo murimisi kuSeed Co uye anobatika pa 0772 572 497 kana 0731 572 497

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey