Purazi ngarive bhizimisi rekurima

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
Purazi ngarive bhizimisi rekurima

Kwayedza

no_till_farming_semisdirect_usda
Steve Mapfumo

MAKORE akawanda andashanda senyanzvi inoona nezvekushandiswa kwevhu andibatsira kudzidza zvizhinji munyika ino pamusoro penyaya dzekurima. Varimi kubvira makore adarika vakabatsirwa zvikuru nenzira dzakasiyana asi pundutso yacho haisi kunyatsoonekwa uye dambudziko guru riripo kushaikwa kweruzivo pamwe nekugamuchira kurima sebhizimusi. Kuti munhu atange bhizimusi, anofanira kugara pasi oronga uye zvinofadza kuona kuti kubvira pakawana Zimbabwe kuzvitonga kuzere Hurumende yagara iine zvirongwa zvinoita kuti murimi aone kurima sebhizimusi.

Varimi vakapihwa ruzivo pamusoro pekushandiswa kwemichina mitsva nedonzvo rekuvandudza goho ravo.
Asi mamiriro akaita nyaya dzekurima munyika parizvino haafadze nekuti vamwe varimi havasi kuona hupfumi huri muvhu iro vakapihwa neHurumende.

Vagara vachiwana rubatsiro rwezvekushandisa pakurima gore negore, asi vari kuramba vakatarisira rubatsiro. Kana munhu akaisa mari mubhizimusi tarisiro inenge iri yekuti rinofanira kukura uye odzosera chikwereti chaanenge akatora. Kana murimi achingomirira kupihwa zvikwereti gore negore, chokwadi ndechekuti haaone kurima sebhizimusi.

Kune nzira dzakawanda idzo murimi anokwanisa kuwana zvekutangisa pakurima zvakaita sekushandisa mari yake, kutora chikwereti kubhanga kana kubatsirwa nemakambani emacontract.

Vamwe varimi vanotarisira kuwana pundutso mubasa ravo nenguva pfupi-pfupi vachida kuzvifananidza neavo vagara nguva refu vari mubasa iri zvinova zvakaoma kuti zviitike.

Kune vamwe zvakare vanotora mari inobva pakurima vachiishandisa zvimwe zvisinei nemabasa ekuvasimudzira.
Zvakakosha kuti varimi vazive kwavachazotengesera zvirimwa zvavo, vanofanira kuve nehurongwa hwemafambiro ebasa ravo uye kuti zvekushandisa vanenge vachizviwana kubva kupi.

Varimi ngavave nehurongwa maringe nezvevashandi vavanoda pamwe nezvinyorwa zvinotaridza kwavakabva nekwavari kuenda.
Yakwana nguva yekuti varimi vachitore kurima sebhizimusi uye kurima kune pundutso kana kuchienzaniswa nemamwe mabhindauko.

Steve Mapfumo ndiHead of Operations weZanu PF Youth League and Lasch Enterprises P/L Joint Venture. Vanokwanisa kubatika panhamba dzinoti (04) 668773 kana padandemutande rinoti [email protected]

Share This:

Sponsored Links