Pwere 57 miriyoni hadzisi kuchikoro

14 Nov, 2014 - 00:11 0 Views

Kwayedza

VANA vanosvika 57 miriyoni vanonzi pari zvino havasi kukwanisa kuwana mukana wekuita dzidzo yepuraimari pasi rose nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Izvi zvakaburitswa negwaronhau rinonzi Education for All Global Monitoring Report 2013/14 iro rinoti pane vana vakawanda vasiri kuwana dzidzo yepuraimari, zvisinei nekuti kwasara nguva duku-duku yekuti zvinangwa zvekuwanisa mwana wose dzidzo, zveEducation for All Goals zvegore ra2015, zvizadzikiswa.

Zvakadaro, dzimwe nhau dzinofadza ndedzekuti pakati pa1999 na2011, huwandu hwevana vakasiira chikoro panzira hwakadzikira nechikamu che50 percent.

Dunhu reSub-Saharan Africa ndiro rinonzi rakanyanya kusaririra panyaya dzekuwanisa vana dzidzo yepuraimari sezvo riine chikamu che22% chevana vasiri kuenda kuchikoro.

Pavana vasiri kuenda kuchikoro pasi rose, vanasikana vanosvika chikamu che54%.

Chikamu che50% chevana vasiri kuenda kuchikoro chinonzi chinogona kutadza kuzowana mukana uyu zvachose.

Nyika dzinonzi dziri pamusoro pedzimwe dzose panyaya yekuwanisa vana dzidzo yepuraimari kwemakore mashanu adarika dzinoti Lao People’s Democratic Republic, Rwanda neVietnam.

Nyika nhatu idzi dzinonzi dzakaderedza huwandu hwevana vakange vasingaenda kuchikoro nechikamu che85 percent.

Zimbabwe ndiyo iri pamusoro penyika dzose dzemuAfrica pakuva nevanhu vanogona kunyora nekuverenga.

Pamusoro paizvozvo, Zimbabwe nguva pfupi yadarika yakarumbidzwa zvikuru nekuzadzikisa kwayakaita zvimwe zvinangwa zveMillenium Development Goals (MDGs) muchikamu chedzidzo izvo zvinosanganisira kuona kuti vana vanotanga dzidzo yepuraimari vanopedza danho iri.

Kurudziro iyi yakaitwa muHarare pagungano raitsigirwa nesangano reZimbabwe United Nations Development Assistance Framework (ZUNDAF) rakabatana nemapoka akasiyana senzira yekunzvera budiriro yaitwa nenyika ino muzvirongwa zvakasiyana kubvira gore ra2012 – 2015.

Pavana 57 miriyoni vasiri kuenda kuchikoro pasi rose ava, chikamu che50 percent chavo chiri munyika dzisina kugadzikana, dzinosanganisira idzo dzine hondo.

Vamwe vevana ava vari kutadza kuenda kuchikoro nekuda kwehurombo, kuremara mitezo nezvimwe zvikonzero.

Ongororo iyi inoratidza kuti nyika 14 dzaive nevana vanosvika 1 miriyoni vainge vasiri kuenda kuchikoro mugore ra2011, dzinosanganisira Afghanistan, China, Democratic Republic of Congo, Somalia, Sudan neTanzania.

Zvisinei, pane tarisiro huru yekuti chikamu che56 percent chenyika dzepasi rose dzichakwanisa kuzadzikisisa zvinangwa zveEducation for All Goals zvekuti mwana wose awane mukana wekuita dzidzo yepuraimari panosvika gore ra2015.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>