Pwere dziri kuita vana dzawanda

13 Feb, 2015 - 09:02 0 Views
Pwere dziri kuita vana dzawanda

Kwayedza

HUWANDU hwevanasikana vekumaruwa vari pakati pemakore 15 kusvika 19 ekuberekwa avo vari kuita pamuviri hwakapetwa kaviri kana zvichienzaniswa nevanogara mumaguta nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Ongororo yakaitwa nesangano reGuttmacher Institute rakabatana neUniversity of Zimbabwe pamwe neCentre for Population Studies inoratidza kuti chikamu che23% chevanasikana vekumaruwa vari kuita pamuviri kana zvichienzaniswa ne12% yevanogara mumaguta.

Ongororo iyi inoratidza zvekare kuti huwandu hwevana vari kuita vana kumaruwa huri kuramba huchingokwira zvichikonzera kuti vazhinji vavo vasiire chikoro panzira kana kusarudza kubvisa pamuviri zvisiri pamutemo.

Vachitaura pamusangano wavakaita nevatori venhau muHarare nguva pfupi yadarika, mukuru wesangano reWomen’s Action Group (WAG), Mai Edinah Masiiwa vakati vana vari kumaruwa vanosangana nematambudziko akawanda kupinda vari mumaguta.

“Nzara nehurombo zvinogona kutuma vana vari kumaruwa kuti vapedzisire vave kudanana nemadhara senzira yekuti vawane chouviri. Mwana anogona kupindwa naye munyaya dzepabonde achitsvaga mari yemabhuku kana zvifambiso opedzisira ave nematambudziko gumi nefararira akadai sekupihwa pamuviri pasina kurongeka, kusiira chikoro panzira, kurasa mwana, humbavha nezvimwe zvinoderedza upfumi hwenyika,” vakadaro Mai Masiiwa.

Vanoti kushaikwa kwezvipatara zvakangomirira kubatsira vechidiki (Youth Friendly Clinics) kumaruwa ndezvimwe zviri kukonzera kuti vamwe vana veko vaite pamuviri pasina kurongeka.

“Zvave kuda mushandirapamwe wevanhu vari munharaunda vakadai sevemabhizimusi, makambani, Hurumende kana nhengo dzeParamende kuti vabatsire mukusimudzira utano hwevanasikana nemadzimai echidiki kuti vawaniswe zvipatara zviri pedyo navo uye zvekushandisa panyaya dzeutano hwesikarudzi. Vamwe vana vari kufa vachisununguka kana kuti panguva iyo vanobvisa pamuviri nerweseri zvinova zvinoderedza upfumi hwenyika nekuti remangwana renyika riri mune vechidiki. Tinofanira kuumba chisungo chekuti vechidiki vachengetedzwe,” vakadaro.

Mukushi wemashoko kusangano reWAG, Olga Makoni, akati panofanira kuitwa ongororo yemimwe mitemo inodzivisa kuwaniswa kwenzira dzekurera mhuri kune vachiri kuyaruka. “Bumbiro idzva remutemo rinoti ikodzero yemunhu wese kuti ange achiwaniswa utano, kusanganisira hwesikarudzi. Asi pachine dambudziko guru nekuti vechidiki vachiri kushaiswa kodzero idzi.

“Kunyangwe pfungwa dzedu dzikada kuzviramba, chokwadi ndechekuti vechidiki vari kupinda munyaya dzepabonde zvakanyanya kupinda vanhu vakuru. Nekudaro hapafanire kuva nerusarura mukuvawanisa zvakaita sezvinodzivirira zvirwere zvepabonde kana pamuviri,” akadaro. Anoti dzimwe tsika nezvitendero zvinoita kuti vanasikana vakundikane kuwaniswa utano hwesikarudzi. “Kune mamwe makereke asingabvumire kushandiswa kwemishonga yekurera mhuri kana dziviriro yemakondomu izvo zvinoita kuti madzimai nevanasikana vapedzisire vave kuita pamuviri pasina kurongeka kana kutapurirwa zvirwere zvepabonde. Nyaya yezera ndiro rimwe dambudziko guru nekuti tiri kuona vana vane makore ari pasi pe15 vari kuitawo vana vavo saka varapi muzvipatara vanofanira kuvawanisa mishonga yekurera mhuri,” akadaro.

Mai Evince Mugumbate, avo vanova mubati wehomwe kusangano reZimbabwe Women AIDS Support Network, vakati zvipatara zvizhinji zvekumaruwa zviri kure nevanhu izvo zvinoita kuti vakundikane kuwaniswa rubatsiro nekukasika.

“Madzimai nevanasikana vari kumaruwa vanokundikana kuwaniswa utano hwesikarudzi nekuda kwekuti vanenge vachisungirwa kufamba makiromita anodarika gumi kuenda kuchipatara. Vamwe vanosunungukira mudzimba kana kufira munzira zvinodzosera kumashure zvinangwa zvebudiriro yenyika zvegore ra2015 MDGs zvekuwanisa vanhu utano hwakakodzera.

Zvimwe zvipatara zvekumaruwa hazvina magetsi kana michina yakakwana zvichiita kuti varwere vapedzisire vave kutumirwa kumaguta,” vakadaro.

Ongororo yakaitwa nesangano reUNAIDS mugore ra2012 inoratidza kuti panyaya yeutachiona hweHIV, chikamu che6,3 percent chiri kumadzimai nevanasikana vane makore 15- 24 ekuberekwa apo vanhurume vaine 3,9 percent.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>