Quton yakaparura mbeu itsva

25 May, 2018 - 00:05 0 Views
Quton yakaparura mbeu itsva Cde Davis Marapira

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
KAMBANI ine mukurumbira wokuuchika nekutengesa mbeu yedonje munyika muno yeQuton svondo rapera pamberi yakabatana neyekuIndia yeMahyco mukuparura mbeu itsva iyo inotarisirwa kupa varimi goho guru.

Vachitaura pakuparurwa kwembeu iyi kuGlendale, kuMazowe mutevedzeri wegurukota rinoona nezveminda, kurima nekusimudzirwa kwemaruwa Cde Davis Marapira vanoti kuuchikwa kwembeu yedonje yemhando yepamusoro idanho guru mukusimudzira kurima pamwe nehupfumi hwenyika.

“Ndiri kunzwa kufara kuva pachirongwa chakadai chekuparurwa kwembeu itsva yedonje. Kuuya kwembeu idzi, Mahyco C571, Mahyco C567 neMahyco C608 idanho guru mune zvekurimwa muno munyika. Kuvandudzwa kwembeu dzedonje kuchawedzera goho redonje munyika kupfurikidza nekurerutsira marimiro evarimi nehuwandu pamwe nehunaku hwedonje. Kugadzirwa kwembeu itsva idzi kuchawedzera tsvagurudzo pamusoro pembeu dzemuno uye kutengeseka kwembeu dzedu pamwe nedonje racho kune dzimwe nyika,” vanodaro.

Cde Marapira vanoti kambani yeQuton iri kuita basa guru kupfurikidza nekubatana nemamwe makambani ekunze kwenyika.

“Ndinonzwa kufara kuti kambani yeQuton yakabatana neyekuIndia Mahyco mukuuchika mbeu dzedonje dziri kuparurwa idzi dzinova dzemhando yepamusoro. Ndizvo zvinofanira kuita mamwe makambani, kubatana neekunze kuti bhizimisi rifambe zvakanaka uye kuvandudza zvavanogadzira. Izvi zvinoita kuti makambani asimudzire hupfumi hwenyika, kunyanya ari mune zvekurima nekuti kurima ndihwo hwaro hwehupfumi hwenyika,” vanodaro Cde Marapira.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kurimwa kwedonje muno muZimbabwe kwanga kwadzikira uye ranga risingachatengwi nemitengo yakanaka. Kuuya kwembeu dzakauchikwa zvakanaka uku kunoita kuti ririmwe zvakanyanya nekuti mbeu dzanga dziriko dzimwe dzacho dzanga dzisingachaiti zvakanaka nekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze.”

Vanoti bazi ravo riri mushishi kutora matanho ekuona kuti mutengo wedonje wakwidza kuitira kuti varimi vawane pundutso mukurima kwavo.

“Sebazi rezvekurima tiri kugadzirisa kuti mutengo wedonje uende pamusoro uye kuti ritengeswe sezvinoitwa fodya. Varimi vazhinji vanga vasiya chirimwa ichi nenyaya yemitengo nekudhura kurima kwachanga choita asi tinoti vadzoke nekuti donje ravakusimudzirwa zvakare,” vanodaro.

Cde Marapira vanoti mbeu itsva dzedonje idzi dzinopa varimi goho guru kana dzikarimwa zvakanaka.

Vachitaurawo pagungano iri, executive director wekambani yekuQuton – VaEdworks Mhandu – vanoti chinangwa chavo ndechekuti vauchike mbeu dzinopa goho guru uye dzinoenderana nekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze.

“Kuparura kwataita mbeu idzi chiratidzo chebasa guru ratiri kuita mukuuchika mbeu dzemhando yepamusoro pamwe nekubudirira kwedu mukubatana nekambani yeMahyco. Varimi vedonje vari kutsvaga mbeu dzinoenderana nekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze, vanofanira kuziva kuti mbeu chaidzo ndedzeQuton nekuti tiri kuita tsvakurudzo dzakadzama mukuti tibude nembeu dzedu idzi,” vanodaro.

Vanoti Quton icharamba ichibatana nehurumende muzvirongwa zvakasiyana-siyana zvakanangana nekusimudzira murimi uye hupfumi hwenyika.

“Tiri kutarisira kufambira mberi nekuuchika mbeu dzinopa murimi goho guru zvinova zvinosimudzira hupfumi nekuti tinoda kuti donje redu ritengwe kunyika dzakasiyana-siyana nekuda kwekunaka kwarinenge rakaita,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links