‘Ramba murume, haana ropa remari’

08 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
‘Ramba murume, haana ropa remari’

Kwayedza

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI
VANHU vaive mudare vakakahadzika apo rimwe godobori iro riri kupomerwa kuda kubata chibharo mukadzi warairapa rakati kubata-bata kwarakamuita nhengo dzemuviri wake dzakavandika yakange iri nzira yekudzinga mamhepo aive pamukadzi uyu.

Donald Njini akaramba mhosva yaari kupomerwa iyi apo akamira pamberi pemutongi Felix Mawadze wedare reZvimba Magistrate Court.

“Ini ndaitongoda kumubvisa mamhepo ari paari asingadi kuti iye agare musvitsa tsvene zvakanaka. Ndaisatodawo kumubata, asi mwoyo wangu wakanaka wokuda kushandira vanhu kuti zvinhu zvavo zvivanakire ndiwo wandava kufira. Chokwadi tsitsi dzinotsitsirira,” anodaro Njini.

Mudzimai uyu anonyunyuta nezvaanoti akaitwa nen’anga iyi achiti yaimumanikidza kurambana nemurume wake.

“Njini akandiudza mashoko anoti, ‘Siyana nemurume wako nekuti ropa renyu harienderane kuti muite mari, unofa uri murombo,’” anodaro mudzimai uyu.

Muchuchusi Patson Chirambwi akaudza dare kuti mangwanani emusi wa19 Ndira paPlot Nkali, kuRaffingora, vabereki vemudzimai uyu vakadeedza mhuri yavo yose kuti iuye kumba vachiti vaida kuzobatsirwa zviri kunetsa.

Njini anonzi akaudza vemhuri iyi kuti aida kutanga abatsira mwana mukuru ozopedzisira nemudiki. Zvinonzi Njini paakabatsira mwana mukuru wemhuri iyi, haana kuzoshandira aimutevera anove mumhan’ari sekutaura kwaainge aita ndokubva abatsira vamwe vose achimusiya.

Muchuchisi anoti Njini akazoshevedza mumhan’ari mumba ari oga.

“Godobori iri rinonzi rakatanga kukurudzira kana kuti kumanikidzira mudzimai uyu kuti asiyane nemurume wake richiti murume wacho haana ropa rekuita mari. Mudzimai uyu anonzi akabva aramba kupfuurira mberi nokushandirwa uku,” anodaro.

Izvi zvinonzi zvakasimudza hasha dzaNjini achibva atanga kutuka mukadzi uyu achimuti ajaira kurara nemunhu asina mari. Anonzi akamutyisidzira kuti asawane waanoudza nyaya iyi achibva amupa bute rekuti aise mukomichi yakange iine mavhu.

“Ipapo akabva amufugura hembe yake achida kubata pachipfuva asina kupfeka uye nekumubata-batawo kunhengo dzakavandika,” anodaro.

Njini anonzi akabva atanga kutora mvura ine bute iye achibata mukadzi uyu nhengo dzake pasina kuwirirana naye.

Mumwe wevabatsiri ven’anga iyi anonzi akazopinda mumba umu asi ndokunzi abude nekuchimbidza naNjini kunyangwe zvazvo paishandirwa vamwe vose aimbobvumidzwa kupinda.

Njini anonzi akazoedza kubhinya mukadzi uyu, uyo akazopukunyuka ndokutiza.

Izvi zvakaita kuti vemhuri yemudzimai uyu, kusanganisira baba vake, vapinde mumba umu vachida kuona kuti chii chaiitika apo vakawana Njini ari musvo. Nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kumapurisa zvikaita kuti Njini asungwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey