Rambo tamusunga: Charamba

10 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Rambo tamusunga: Charamba

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MAPURISA svondo rapera vakasunga murume wemuHarare ari kupomerwa mhosva yekubhinya mwanasikana wake pwere uyo akaremara.

Murume uyu tichangomuti Dhimoni Rambo nechinangwa chekuchengetedza mwana wake nekuti pasi pemutemo wenyika mwana ane makore 14 ekuzvarwa uyu anofanira kuchengetedzwa. Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police munyika, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vanotsinhira kusungwa kwaRambo.

“Tine nyaya yemurume ari kupomerwa kubata mwana wake chibharo iyo yatiri kuferefeta. Murume uyu akatosungwa uye nyaya iyi takaiendesa kuchikamu chedu cheVictim Friendly Unit uko takamirira kunzwa zvichabuda apo mapurisa vari kuiferefeta,” vanodaro.

Snr Asst Comm Charamba vanoyambira veruzhinji kuti vasasiya vanasikana vavo nevanhurume, zvisinei nehukama hungavapo.

“Madzimai kana ani zvake ngavarege kusiya vanasikana mumawoko evanhu vechirume, zvisinei kuti hukama hwacho huri padyo zvakadii, kana kuti munowirirana kusvika papi nemunhu wacho kana nemhuri yacho. Vana vapera kubatwa chibharo vachipihwa pamuviri nezvirwere zvakaita seHIV neAids,” vanodaro.

Vanoti dzimwe mhosva dzekubhinywa kwevanasikana dziri kuparwa nehama dzepedyo dzakaita sehanzvadzi, madzisekuru kana baba.

Vanasikana, vanodaro Snr Asst Comm Charamba, vane kodzero sevamwe vana vose yekurarama zvakanaka pasina kushungurudzwa. Vanotizve zvakakosha kuti veruzhinji vabatane mukurwisa kubatwa chibharo kwevanasikana.

Share This:

Sponsored Links