Rega kuda kudzorwa semombe

03 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
NDINOTENDA vaverengi veKwayedza nemashoko ekurudziro pamusoro pechinyorwa chino. Chinangwa changu ndechekubatsira kuti vanhu tifunge sevanhu, nekuti tiri vanhu kwete mbudzi dzaravira mamera.

Munhu kuti anzi munhu, hunge aine hunhu hwakanaka, uye hunoyemurika. Kuita zvinhu zvakanaka kwakanaka nekuti kunotipa nyika inogarika nekufadza.

Saka ndicho chikonzero ndichinyora zvinyorwa zvinogezesa vanhu nemvura yemuBhaibheri saNamani, uye ndichivazora mafuta anoyerera nendebvu saAroni, nekuvapfekedza nhumbi dzekurwa nadzo sedzakataurwa naPaul kunaVaEfeso.

Chandinoziva ndechekuti chinodzorwa imombe, asi munhu anofanira kuzvidzora ega pazvinhu zvakaipa zvinomukanganisa, pamwe chete nekukanganisa vaakagara navo. Chisina njere indiro yawadyira ukasiya pawanga uchidyira. Uchangowana iri pawaisiya iri, uye haigone kuti izvisuke nekuzvichenesa.

Asi munhu akasikwa uye akapihwa njere naMwari. Munhu anozviziva kana apfurikidza mwero.

Vazhinji vanondiziva vanoziva kuti ndiri munyori wemabhuku nasarungano. Mabhuku andakanyora anosanganisira Mapenzi, Ndafa Here? nerinonzi Imbwa yemunhu. Mazhinji akawana mibairo uye akaverengwa muzvikoro.

Asi nyangwe ndakanyora mabhuku aya, ndine bhuku randinodisisa nekuti rine mhinduro dzinonama munobvinza mehupenyu hwevanhu.

Bhuku iri handisirini ndakarinyora uye handife ndakanyora bhuku rakadaro nekuti ibhuku raMwari rinonzi Bhaibheri. Rakanyorwa naMwari uye sepoto iri pamoto, rinopfungaira nepfungwa dzaMwari richizadza hupenyu hwevanhu nekunhuwirira kunonzwisa nzara.

Kunze kwekunyora mabhuku, ndiri sarungano, zvichireva kuti ndinotaura ngano dzinotanga dzichiti, “Paivapo.” Asi nyangwe ndikataura ngano refu kana pfupi, ngano dzinosetsa kana kuchemedza, ngano dzandinotaura dzinosvika pakupera. Neniwo ndinobva ndati, “Ndipo pakafira sarungano.”

Nyangwe ndichitaura ngano dzinoumburudza pfungwa dzevatereri mundiro izere muto wekunakidzwa, handina kumwe kwekuvaendesa kana ngano dzangu dzapera nekuti ingano dzevanhu uye dzinopera. Asi ndinoziva mumwe sarungano akataura ngano zhinji dzisingapere nekuti sarungano iyeye ndiye sarungano wehupenyu hwemunhu uye ngano dzese ndedzake, nevanotaura nevanonzwa ngano ndake.

Nyangwe ndikataura ngano dzine mapapiro anobhururuka, kana dzine nyanga dzinotunga, handina ngano inoita kuti kana ini sarungano ndafa, nengano yandiri kukuudzai yafa imi mugozosangana neni sarungano wenyu mune humwe hupenyu ndichikuudzai kuti ngano yandakakuudzai ndiyoyi yamazosvika mairi.

Nyika dzemungano imhute, asi kune nyika yemungano yaMwari. Iyoyo nyika ine zvisina kumboonekwa nemaziso kana kumbonzwikwa nenzeve.

Kufanana nemamwe mabhuku ese, bhuku raMwari rakadhindwa pamapepa anogona kubvaruka, kutsva, kunayiwa nemvura kana kudzimika. Asi chokwadi chiri mariri hachiore kana kuparara.

Pamapepa ipapo parakanyorwa, bhuku raMwari hariite senhunzi yakapinda mubhodhoro ikakanganwa kuti kwayakapinda nako ndiko kwekubuda nako ikafa. Shoko raMwari ibenyu nekuti ndivo Mwari pachezvavo.

Mumwe muchenjeri akati muBhaibheri mune mafungiro aMwari, mune mamiriro ehupenyu hwemunhu, mune nzira yekupona nayo, mune kuparadzwa kwevatadzi, mune mufaro wevanotenda. Dzidziso dzaro idzidziso tsvene, uye zvarakati zvichaitika hazvikone kuitika.

Nhoroondo dziri muBhaibheri inhoroondo chaidzo dzezvakaitika. Hakuna anoshandura zvarakataura. Riverenge kuti uve mungwaru, gashira zvarinotaura urege kutya, uye riteerere kuti uve mutsvene. Rine chiedza chekukutungamirira, nekudya kunokuraramisa.

Bhaibheri rinofanira kugara mumwoyo kudarika nziyo dzaJah Prayzah. Huchenjeri huri mariri hunokunda hwemaporofita emazuva ano anozviti anoziva zvese. Kana usina, ritsvage unzwe izwi raMwari kwete remunhu. Kana ukariwana, uchanzwisisa kuti sei David akati, “Shoko renyu mwenje wetsoka dzangu, nechiyedza panzira yandinofamba.”

Share This:

Sponsored Links