‘Regai kusarura vana vakaremara’

24 Jul, 2014 - 09:07 0 Views

Kwayedza

DARE reSenate rinoti zvakakosha kuti vana vanorarama nehurema vawane mikana yedzidzo yakaenzana neavo vane mitezo yakaringana.
Mashoko aya akataurwa svondo rapera naSenator Thokozile Mathuthu, avo vanomirira dunhu reMatabeleland North mudare iri, apo vaipa pfungwa dzavo pamusoro pehurukuro yematambudziko anosangana nevanhu vanorarama nehurema.

Sen Mathuthu vakati vamwe vana vane hurema vari kushairwa mari yechikoro zvisinei nekuti kune chirongwa cheHurumende chekubatsira vana vanoshaya, kuburikidza nehomwe yeBasic Education Assistance Module (Beam).

“Takambotaura nguva yadarika pamusoro pechirongwa cheBeam, inova nzira yeHurumende yekubhadhara mari yechikoro kune vana vanobva kumhuri dzinoshaya kuitira kuti vana ava vasadzingwe chikoro nekuti vabereki vavo vanenge vasingakwanise kuwana mari yechikoro.

“Pahurukuro iyi, takaona kuti kune mamwe makomiti ezvikoro anosarudza vana vanofanira kubatsirwa pasi pechirongwa cheBeam vachisiya vana vane hurema.

“Tinokurudzira uye tinokumbira kuti dare rino ritsigire nhaurwa ino yekuti vanhu vakaremara, kunyanya vana, vabatwe zvakaenzana nevane mitezo yakakwana,” vakadaro.

Sen Mathuthu vakati rimwe dambudziko kushomeka kwevarairidzi vanokwanisa kudzidzisa vana vanorarama nehurema nenzira inoita kuti vanzwisise.

“Nekudaro, ndinoshuvira kuti dare rino reSenate richakumikidza mutemo wekuchengetedzwa kwevanhu, kunyanya vana vanorarama nehurema, kuitira kuti vasasarire kumashure,” vakadaro Sen Mathuthu.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey