‘Regai maWarriors akadaro’

16 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
‘Regai maWarriors akadaro’

Kwayedza

Abel Ndooka —
VATSIGIRI nevaongorori venhabvu vanoti matambiro akaita chikwata chitsva chemaWarriors svondo rapera apo chakatamba neLiberia anotaridza kuti chinogona kubudirira kusvika pachidanho cheWorld Cup munguva inotevera, asi hunge kana chikasasandurwa.

Izvi zvinotevera kuhwinha kwakaitwa nemaWarriors apo akakunda Liberia 3-0 mumutambo wavo wekutanga wekurwira kuenda kuAfrican Cup of Nations iyo ichatambirwa kuCameroon mugore ra2019. Vatambi vakadadisa mumutambo uyu vanosanganisira Knowledge Musona (26), Kudakwashe Mahachi (23), Teenage Hadebe (21), Danny Phiri (28) naMarvelous Nakamba (23).

Musona ndiye akanwiswa zvibodzwa zvose zviri zvitatu.

Zvakadai, vamwe vatsigiri nevaongorori venhabvu vanoti chikwata chitsva chakaumbwa neakafanobata chigaro chemurairidzi wemaWarriors – Norman Mapeza – chinogona kubudirira kuenda kumutambo weWorld mugore ra2022 kuQatar.

Shasha yakambonetsa mumutambo wenhabvu ichitambira maWarriors, Alois Bunjira uyo ave muongorori wenhabvu paZiFM Stereo neSuperSport anoti mukana uripo mukuru wekuti maWarriors anogona kuenda kuWorld Cup 2022 asi hunge chikwata ichi chikaramba chakabatana.

Bunjira – uyo aizivikanwa saZola panguva yaakatamba nhabvu – anoti matambiro akaita maWarriors anodadisa kunyangwe pakange pasina vamwe vatambi vanosanganisira Costa Nhamoinesu, Khama Billiat, Willard Katsande naNyasha Mushekwi.

Anoti dambudziko rinozongoitika rekushandurwa kwevarairidzi ndiro rinogona kutadzisa chikwata ichi kusvika kure.

“Norman Mapeza basa raakabata rinonwisa mvura, chikwata ichi ndechake chaicho chaakatanga nacho paakamborairidza maWarriors pekutanga uye anochiziva.

“Vatambi ava vane mukana wekuenda kuWorld Cup 2022 asi hunge chikwata ichi chikaramba chakabatana. Murairidzi anouya ngaauye achishandisa vatambi varipo ivava kwete kushandura nekuti tinenge tave kutanga patsva saka hapana zvatinenge taita,” anodaro Bunjira.

Anoenderera mberi achiti, “Nhabvu yandakaona musi weSvondo yainwisa mvura, ndiyo vatsigiri vanoda kuona uye yavanenge vabhadharira mari.”

Mutsigiri mukuru wenhabvu wemaWarriors Chris ‘Romario’ Musekiwa anoti sangano reZimbabwe Football Association rinofanirwa kuona zvekuita naMapeza romugadza panyanga kuti murairidzi uyu atange basa rake rekuronga remangwana remaWarriors apo akatarisana nekurwira kuenda kuAfcon neWorld Cup 2022.

Romario anoti makore ekuberekwa evatambi vemaWarriors vazhinji achiri akanaka zvikuru zvekuti mumakore mashanu ari kutevera vakawanda vavo vanenge vaibva vave kutamba nhabvu yepamusoro.

“Mapeza akarakidza kuti ‘chibaba’ uye anoziva zvaanaoita. Nyaya yavepo kuti hutungamiri hwenhabvu hwonyatsomugadza panyanga achitanga kuronga remangwana rechikwata ichi. Vatambi vedu vachiri nemakore akanaka chaizvo, mumakore mashanu vanenge vave kupisa zvekuti kana kuQatar tinenge takazara. Tiri kutanga nekuenda kuCameroon kuAfcon tozotevera neQatar 2022,” anodaro Romario.

Anoti dzimwe shamwari dzake dzekunze kwenyika dzakamufonera dzichimuudza kuti matambiro ave kuita maWarriors achanetsa mukufamba kwenguva.

“Ndine shamwari dziri kunyika dzakaita seCameroon idzo ndinosangana nadzo patinotsigira nhabvu dzakandiudza kuti maWarriors achavanetsa nekuti matambiro avave kuita haana kumira mushe,” anodaro Romario.

Zvisinei, imwe shasha yekuongorora mitambo yakasiyana paSuperSport zvakare, Mike Madoda, anoti zvakakosha kuti maWarriors arakidze hunyanzvi hwavo apo paachasangana neDR Congo uye neCongo mumitambo yekurwira kuenda kuAfcon.

Anoti zvakaoma kutanga kutaura nezveWorld 2022 panguva iyo chikwata chenyika ichi chakatarisana nemitambo yeAfcon.

“Ngatimbomire kufunga zviri kure, isu tisati tapedza basa ratakatarisana naro reAfcon 2019. Pamwe panguva yacho tichange tashandura tikashandurazve varairidzi saka hatizive kuti chikwata chinenge chakamira sei,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Tinofanirwa kushandisa muenzaniso weDR Congo iyo isina kumbobvira yashandura chikwata chayo chakaenda kuAfcon kuGabon gore rino. Asi DR Congo neCongo pazvichauya muno ndipo patichaona kuti chikwata chedu chakamira papi. Liberia yatakarova haina kumbotityisa iya,” anodaro Madoda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey