‘REGAI VANA VAKURE’ . . . ‘Kuroodza pwere bodo!’ . . . ‘Dzidzo ndiyo inokosha’

25 May, 2018 - 00:05 0 Views
‘REGAI VANA VAKURE’ . . . ‘Kuroodza pwere bodo!’ . . . ‘Dzidzo ndiyo inokosha’ First Lady Amai Mnangagwa

Kwayedza

Fungai Lupande ari kuBINDURA
MUDZIMAI wemutungamiri wenyika, First Lady Amai Auxillia Mnangagwa, vanoti vanoshushikana zvikuru nekuwanda kuri kuita vana vari kusiira chikoro panzira kudunhu reMashonaland Central.

Zvimwe zvezvikonzero zvekusiira chikoro panzira zvakaonekwa zvinosanganisira kukasika kuroorwa kwevanasikana vasati vabva zera, kushandiswa kwezvinodhaka zvisina tsarukano, kushomeka kwezvikoro uye kumhanyira kunoita mabasa ezvicherwa kuri kuitwa nepwere.

First Lady Amai Mnangagwa – avo vakawanawo mukana wekukurukura nevechidiki pachikoro cheChipadze High School, muBindura – vanoti vari kuziva nezvematambudziko ari kusangana nevechidiki munharaunda iyi.

“Ndinoziva kuti vechidiki vanogona kufunga kuti vanhu vakuru havanzwisise matambudziko avo. Iniwo ndaimbovawo musikana, saka ndinozvinzwisisa. Kana mukasangwarira pazera iri, munogona kuzvikanganisira upenyu hwenyu zvachose. Ramangwana renyu rinovakwa nezvamunozvigadzirira nhasi uno,” vanodaro.

Vanokurudzira vechidiki kuti vateerere mashoko anobva kuvanhu vakuru kuti vange vachirarama upenyu hune gwara.

“Ndiri kushushikana zvakare nekuwanda kuri kuita vana vanorarama mumigwagwa nekuti izvi zvinobva mukuparadzana kunoita mhuri,” vanodaro.

First Lady Amai Mnangagwa vanoti vanorwadziwa nekuwanda kwevanasikana vari kuroodzwa vari vadiki.

“Ava vana vedu, varume ngativasiyei tivapewo nguva yekukura. Kana tikange tisina vanasikana hatina ramangwana. Kana ukafundisa mwanasikana wafundisa mhuri mbiri,” vanodaro.

Vanoshora kuwanda kwenyaya dzekushandiswa kwezvinodhaka nevamwe vanhu.

“Unoona munhu mukuru achinwa doro kubva kuchiedza kusvika kwadoka. Yese iyi inguva inenge ichipedzwa zvisina tsarukano. Muri kuzvikuvadza apo muri kunwa mishonga yechikosoro nekuti panguva yatakakura kwaiva kusina zvinhu zvakadaro.

“Ko, ungazoita mutyairi wendege sei kana iwe uchiswera uchitora zvinodhaka?” vanodaro First Lady Amai Mnangagwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Dzidzo inopa munhu gwara kuti unge uchiva neremangwana rakajeka. Munhu akafunda anoziva kurwira kodzero dzake uye anogona kusandura upenyu hwemhuri yake.”

Vanokurudzira veruzhinji kuti vashande nemapurisa mukumhan’ara nyaya dzekutorwa kwezvinodhakwa zvisingatenderwe pasi pemutemo uye kumbunyikidzwa kwekodzero dzevanasikana.

Susan Guni, uyo anova Junior Minister of State wedunhu reMashonaland Central, anotenda dzidziso iri kupihwa kune vechidiki naFirst Lady Amai Mnangagwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey