Uncategorized

Remekedzai vashakabvu

24 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

KUBVA pasichigare, vanhu vatema vanozivikanwa netsika dzakarurama idzo dzinoremekedza vashakabvu. Ndokusaka zvichinzi kana munhu afa panotevedzwa tsika dzose dzechivanhu – pasina kana kudimbudzira — kudzimara mutumbi warongedzwa kana kuti wavigwa muguva.
Kune avo vakakura kare, tinovimba kuti vamwe munoyeuka kuti vanhu vaisiti kana dai vakange vachifamba, vakasangana nemotokari yainge yakatakura chitunha, vanhu vaitombomira seruremekedzo kumufi.
Hongu, maitiro angasiyane zvichienderana nematunhu uye marudzi, asi pose panofa munhu zvose nepaanovigwa, panotevedzwa tsika dzekuremekedza mushakabvu. Ndokusaka munhu achiti kana ashaya, haangoraswa kumarara kana kuti kudondo sezvinoitwa zvimwe zvisikwa zvakaita semhuka.
Setsika dzakagara dziriko, chitunha chemunhu chinovigwa muguva rinonyatsovakwa. Munhu haaraswe muguva asi kuti anorongedzwa “muimba” yake yekuzororera.
Asi zvatava kuona nekunzwa makore ano zvinoshamisa. Vakuru vanoti zvinoshura. Kuti chitunha chaiswa “mumba” yekuzororera — muguva —chinofukunurwa, choendwa nacho kana kuti chochekwa mimwe mitezo?
Senyaya dzatinadzo svondo rino — yeguva remwana uyo akavigwa kuGraville Cemetery (kuMbudzi), muHarare, ndokuzowanikwa svondo rapera mutumbi wake wakabviswa mimwe mitezo uye wakakandwa kwakadaro, yechitunha chemwana chakasiya chakakandwa pamusiwo wemba uye chisina nhengo dzose kubva muchiuno zvichidzika kuEpworth, nechimwezve chitunha chemwana chakawanikwa chakaiswa musaga kuDzivaresekwa, muHarare. KuNyanga kune rimwezve guva rakafukunurwa mazuva mashoma adarika. Uku kukanganisa kukuru uko kunorwadza wose munhu anoziva zvinoreva kufirwa.
Nyaya yekufukunura makuva, zvitunha zvichishereketwa nazvo haitangire pane yekuMbudzi yesvondo rapera iyi. Asi kuti nyaya idzi dziri kuramba dzichiwanda, dzimwe dzacho dzisingazozivikanwa neveruzhinji.
Nguva pfupi yadarika, bepanhau reKwayedza rakaburitsazve imwe nyaya yeguva rainge ravigwa mutumbi wemukadzi kuDomboshava, asi ndokufuma rakafukunurwa, panzvimbo iyi pakadhinda zitsoka nematsimba emhuka. Kana chitunha ichi chakatorwa, kana hachina, zvinotozivikanwa nevakazviita. Kusatya rudzii kwapinda vanhu? Kurwadzisa kana munhu akafa chaiye! Kana zvikanzi ndiwo mabasa ekuromba angovako makore ano, hazvidi kusvika pakudaro. Kune zvakawanda zvine chekuita nekusaremekedza makuva nevafi vanenge vakavigwamo. Mazuva ano unonzwa kuti mukomana nemusikana — avo vasina matyira nehunhu — vaonekwa kana kuti vabatwa vachitogovana rudo pakati pemarinda. Pakati pezvitunha zvavatorwa here? Asika, dai zvainge zvisina kukosha kuremekedza mufi neguva raanovigwa, kungadai kusina kubvira kwadzikwa mutemo unosungisa vaya vanoita zvedambe nemakuva. Ndokusaka kana vanhu vakada kufukunura guva rehama yavo, vanototanga vawana mvumo kubva kwaMudzviti, mapurisa nevaridzi venzvimbo vakadai semadzishe.
Guva haringocherwa kana kufukunurwa sezvinonzi muri kufukunura pfimbi yemazhanje.

Share This:

Sponsored Links