‘Reva chokwadi, kuti uri pfambi’

08 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
‘Reva chokwadi, kuti uri pfambi’

Kwayedza

Milcah Nhakura naTatenda Shuro
MUKADZI wekuendesa amainini — mudzimai wababa vake — kudare achiti vari kumushungurudza akazoshaya pekupinda apo vakamuti ipfambi yemakoko uye nyaya yavanogara vachinetserana ndeyekuti haadi kutsiurwa. Gladys Nyika akamhan’arira Dorothy Chikwenenge wekuDomboshava kuHarare Civil Court achiti anomushungurudza.

“Vanondirova pamwe nevana vavo vachinditi ndivo vanotonga pamusha, haundiudze zvekuita,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Dambudziko rangu harisi repfuma yakasiiwa nababa vangu pavakafa 2001, asi nderekuti mundipewo gwaro redziviriro kubva kuna amai ava sezvo ndave kutadza kugara navo zvakanaka.”

Nyika anoti Chikwenenge anomushungurudza kunyangwe pakati pehusiku.

“Kunyangwe pakati pehusiku handirare. Vanondimutsa vachiti ndivabatsire kupepa mwana wavo anorwara,’’ anodaro.

Chikwenenge anopikisana naNyika achiti nyaya yavari kunetserana ndeyekuti anoita chipfambi. Mutongi Noah Gwatidzo akarasa chikumbiro chaNyika achiti haana kupa umboo huzere.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey