Revai airarama zvekutamburira

06 Jul, 2014 - 06:07 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 4 (Ongororo; Endererero mberi)
Apo Revai ainge apinda muusungwa mumusha waMambo Zindoga akange apinda panguva yakaoma izere matambudziko mahombe saka achidimikira achiti, “Paye ndakange ndatowira muminzwa yakazvigarira zvayo” (36). Chandafira apo akasiiwa naRevai uyo ainge atiza nenyama yembudzi yose, akasara oona nhamo nemhaka yaainge asina kupara izvo zvinonzi, “Akange ofira mafufu segonzo” (36).

Apo Revai anosangana nemudzimai waMazvikokota, mudzimai uyu anoda kumunyeurira nemaitiro emukuru wemusha wake. Anodimikira achiti, “Asi rega ndikurumewo nzeve” (39). Anomuyambira zvakare kuti kana akarega kuzvingwarira anogona kuzvipinza mumatambudziko akaipisisa kana kuti “unowira mukanwa meshumba” (39).

Maererano netsika nemaitiro aVaMazvikokota, tinonzwa zvichidimikirwa zvichinzi, “Baba vemba iyi vaidya moto” (39) panyaya yeruchengera. Mudzimai waMazvikokota anokurudzira Revai kuti atoita zveushingi chaizvo, kana kuti, “wotosungira mhapa dzisimbe semurume” (40). Revai haaiti zvinhu zvekutyira kure, zvekumboedza kuti aone kuti zvichafamba sei sezvo anoti, “Handiedze dziva nerutanda” (41).

Dai kainge kachiri kare kare achiona matiziro aMazvikokota angadai akamupfura nemuseve kana kuti “dai ndamuperekedza nemuseve” (44). Panobuda Mazvikokota nemudzimai wake apo imbwa yavo inohukura, Revai anodemba kuti dai akasaonekwa kana kuti “akange ongokwenya mhuno nekasiyanwa” (45).

Unyanzvi huya hwatainge tanzwa maererano naRevai, panguva iyo anoona kuti hapana zvazvichabatsira kuti arambe achitiza, hunenge husisina nebasa rose kana kuti “kwaingove kuhukura kwembwa isisina meno” (46).

Enzaniso ndidzo dzatinoona dzichishandiswa zvakati kuti. Upenyu hwaRevai hwaive hwekurarama nehwakumukwaku, hwekurara mumiti “seshiri” (37). Revai apo anosangana nemudzimai waMazvikokota anoratidza mufananidzo wokutambudzika zvikuru izvo zvinonzi akarereka musoro nezwi rainzwisa urombo “semunhu ave mhuka yesango”, kupona nemichero “seshiri”(38).

Panoenda mudzimai waMazvikokota, Revai anoona zvichimunetsa kubvuma zvainge zvaitika, munhu ndokusara amire “sokunge munhu abva mukuona shura” (42). Paanobuda muchuru maainge akahwanda, anoita izvi achinyahwaira “sembavha” (41). Maitiro aMazvikokota papeji 41 apo anenge achitiza Revai anonyatsoburitswa nemusambo uyu. Zvinonzi apo aimhanya, aiita izvi achidzokera shure “semunhu aona chikara”. Zvikwenzi zvipfupi izvi aiita zvekuzvisvetuka “kunge chitsiru chemombe”. Apo anoridza mhere anoipagura “sebimha raona bere” nekutya. Apo baba ava vanenge vachida kuedza kutsanangurira mudzimai wavo zvainge zvatora nzvimbo izvi murume anoonekwa achifemera mudenga “sendere rinobva rasimudza nemusana wose kuitira kuti mweya uwande” (43). Mavakirwo akange akaitwa dzimba dzemumusha waMambo Dendera anotsanangurwa achinzi dzimba idzi dzainge dzakati katakata nedunhu rese wanei “yenge huvhe yegore remaguta” (44). Apo vanhu vanosvikira Revai, mukomana uyu anoonekwa ooma nemuti “kunge tsoko” (45) wanei muviri wongodedera. Revai apo anomira aona kuti abatwa, kufema kwaaiita “waiti imbongoro yaneta nekuzvuva danda iri yega” (46).

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links