Rima hanyanisi dzePrime Seed Co

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Rima hanyanisi dzePrime Seed Co Goho rinobva pambeu dzemahybrids rinogara nguva yakareba risati rakanganisika.

Kwayedza

Elizabeth Benjamin
Kambani yePrime Seed Co inotengesa mbeu dzemiriwo (vegetables) dzakasiyana-siyana pamwe chete nedzemafuro ezvipfuyo. Prime Seed Co inozivikanwa nekutengesa mbeu dzakauchikwa zvemhando yepamusoro, dziya dzinodaidzwa kuti mahybrids.

Mahybrids akanakira varimi nokuti anopa goho repamusoro uye riri remhando inoyevedza (good quality), zvokuti mutengi achida kutenga pamusika anotomhanyira iwo mahybrids. Goho rinobva pambeu dzemahybrids rinogara nguva yakareba risati rakanganisika. Izvi zvakanakira murimi nokuti kana miriwo yakawandisa pamusika, anokwanisa kumbomira kutengesa zvichizomupa mukana kana mitengo yakwirira.

Prime Seed Co inokurudzira varimi kuti pese pavanoda kutenga mbeu dzemiriwo, ngavatange vabvunza nezvehybrid yembeu yacho. Kune vamwe varimi vanowanza kumhanyira kutenga mbeu nokuda kwekuti dzinenge dzakaderera pamutendo kudarika mahybrids. Asika varimi, zvakachipa zvinogona kuzokudhurira kumunda nokuda kwekuti zvinenge zvoda kufiritwa rusingaperi.

Vhiki rino tinokurukura pamusoro pembeu yehanyanisi (onion). Hanyanisi chirimwa chinorimwa zvakanyanya muno munyika nokuti inodiwa pese panobikwa kuti chikafu chinyatse kunzwika kunaka kwacho uye yakatinakira zvakanyanya panyaya dzezveutano.

Kune vaya vanoda kuva ivo vekutanga pamusika nehanyanisi, ino ndiyo nguva yekutenga mbeu yacho. Hanyanisi dzinowanikwa pamhando mbiri dzinoti chena nedzimwe dzakaita tsvuku. Idzi dzese dzinorimwa muno muZimbabwe asi mhando yakanyanya kutekeshera ndiyo chena.

Kune dzimwe nyika dzakaita seMozambique, vanonyanya kufarira mhando yehanyanisi tsvuku. Takanangana nemhando dzema hybrids, vePrime Seed Co vane mbeu dzehanyanisi chena dzinoti Elad F1, Ada F1, Regent F1 neSaturn F1. Kumhando tsvuku kune Neptune F1.

Varimi vanokurudzirwa kuti vasarudze mbeu dzehanyanisi kubva pane idzo dzataurwa.

Hazera Elad neAda:

Idzi imhando dzehanyanisi dzakauchikwa kuIsrael nekambani huru pasi rose inonzi Hazera. Muno muZimbabwe mbeu idzi dzinotengeswa nePrime Seed Co. Elad F1, imbeu yehanyanisi chena, inokura zvinofadza, uye inopa goho repamusoro. Hanyanisi dzacho dzinoyevedza nokuti dzinokura dzakaenzana (uniformity). Elad F1 imbeu inokasika kuibva mukati memazuva makumi mapfumbamwe (90 days).

Kana ichinge yakohwewa, Elad F1 inogona kuchengetedzwa kwemwedzi mina kusvika mitanhatu (4-6 months shelf life) isina kukanganisika.

Mbeu yeAda F1 ihanyanisi chena zvakare inopawo goho repamusoro. Ada inotora mazuva angasvika zana (100 days) kuibva. Hanyanisi idzi dzinoda mashort days kana kuti hurebu hwezuva ringaita maawa gumi (10 hours) kwakachena kuti bundu rehanyanisi rigotanga kuputunuka pasi pevhu. Kana hanyanisi idzi dzikarimwa apo hurebu hwezuva huchidarika maawa gumi nematatu (13 hours), mashizha adzo haanyatsokura zvakanaka izvo zvinozoita kuti hanyanisi isakura zvakanaka pasi pevhu  uyezve kana dzakohwewa hadzizochengeteki zvakanaka. Nhau yekureba kana kupfupika kwezuva (day length) ndiyo inoita kuti hanyanisi dzirimwe munguva yechando muZimbabwe.

Regent F1:

Iyi ihanyanisi chena inokasika kuibva. Inodawo mazuva mapfupi (short day) kuti ikure zvakanaka. Regent F1 inopa hanyanisi dzakasimba (firm), dzinochengeteka kwemwedzi mina kana dzakohwewa. Regent F1 inoshingirira pazvirwere zvinoti purple blotch, downey mildew nepowdery mildew.

Saturn F1:

Saturn imhando yehanyanisi chena inotora nguva yakati rebei kuti igoibva mumunda. Inotora mazuva angasvika zana negumi (110 days). Izvi zvinoitawo kuti hanyanisi iyi ichengetedzeke kwenguva yakareba zvokusvika kana kudarika mwedzi mitanhatu kana yakohwewa. Mbeu iyi inoshingirira kuchirwere chedowney mildew.

Neptune F1:

Iyi imhando yehanyanisi tsvuku. Vazhinji vanofarira mhando iyi vanoyemura ruvara rwakatsvuka urwo rwunoita kuti chikafu chiyevedze uyezve mhando iyi ine munhuwi wakasimba (strong flavour) kudarika hanyanisi chena. Neptune F1 inopa goho rakakwirira uye inochengeteka kwenguva ingasvika mwedzi mina kana mishanu (4-5 months) kana yakohwewa.

Marimiorwo ehanyanisi dzePrime Seed CO:

Hanyanisi dzinokura zvakanaka kana kunze kuchitonhorera zvingaita 12-240C. Ndizvo zvinoita kuti muno muZimbabwe dzirimwe munguva yechando. Hanyanisi dzine midzi isinganyanyi kudzika kuenda kure uye dzinokwanisa kurimwa muivhu rakasiyana-siyana. Ivhu rakakora rinozongoita dambudziko panguva yekukohwa. Varimi vanokurudzirwa kudyara nefetereza yeCompound C ingasvika 1 000kg pahekita. Vanozoisa fetereza yepamusoro ingasvika 200kg pa hekita kubva pamavhiki matatu vadyara mumunda. Vanokurudzirwa kupatsanura fetereza yepamusoro kuti vaise katatu. Zvakakosha kuti varimi vasawanza fetereza yepamusoro (Ammonium Nitrate) nokuti inokonzera kuti hanyanisi izoita huro yakakora iyo inozoita kuti dzisaoma zvakanaka kana dzakohwewa.

Vazhinji vanotanga vanesa mbeu dzavo vozodzidyara kumunda mushure memavhiki angaita matanhatu kana manomwe (6-7 weeks). Varimi vanofanira kudyara hanyanisi dzingasvika 800 000 – 1 000 000 madzinde pahekita imwe chete. Mitsara inopatsana ne20cm kozoti kubva padzinde rimwe kuenda pane rimwe 6-8cm.

Hanyanisi dzinotanga kukohwewa kana chikamu che60% choratidza mashizha odonha pasi ega. Kana vadzura, varimi vanofanira kumbodzisiya mumunda kana kwemazuva matatu kuti dzimborohwa nezuva. Dzinoda kuzotakurwa dzoiswa mumashedhi  anofura mhepo zvakanaka dzakasungirirwa nechemudenga kuti dziome zvishoma nezvishoma.

Kana hanyanisi dzikaoma zvakanaka dzinokwanisa kuchengetekawo nguva yakareba zvinoita kuti murimi azotengesa achiita zvishoma nezvishoma achiona kuti pamusika dzakawandawo sei.

Pazvirwere, varimi vanofanira kutarisa purple blotch iyo inokonzerwa nehutachiona hweAlternaria kana kuti downey mildew. Zvirwere izvi zviri nyore kuuraya nemishonga yakaita seAmistar Top kana kuti Folio Gold.

Pahudyi, mathrips ndiwo anonyanya kunetsa pakurimwa kwehanyanisi. Ichi chipuka chinokundwa nemushonga weActara kana Ampligo.

Kana murimi arima hanyanisi dzekuPrime Seed Co, zvakanaka akagona kudziomesa zvakanaka, haiwa chitaurirwa mbare dzekumusana, anoita mari zvokuti haazodi kurega kudzirima gore negore.

Kuti varimi vazive zvakawanda pamusoro pehanyanisi kana dzimwe mbeu dzinotengeswa kuPrime Seed Co, batai madhumeni ePrime Seed Co akatekeshera nenyika yose.

Nembeu dzePrime Seed Co unoita mari!

  • Elizabeth Benjamin murimisi wePrime Seed Co uye munomubata pa:   0731 432 590    

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey