Rimai bhinzi: zfu

15 Feb, 2019 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
SANGANO rinomirira varimi munyika reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rokurudzira kuti vashandise hunyoro hwemvura iri kunaya mazuva ano kuti vadyare zvirimwa zvidiki zvakadai sebhinzi idzo vanogona kuzotengesa vozviwanira mari yavo.ZFU executive director VaPaul Zakariya vanoti ino ndiyo nguva yekuti varimi varime minda yavo nekuda kwehunyoro huriko uhwu vodyara bhinzi kuitira kuti dzizofambirana nemwaka dzosvika zvakanaka.

“Mvura iri kunaya kune dzimwe nzvimbo asi kumwe haisi kunaya zvakanaka saka tinoti nekuda kwemwaka wedu unenge wakachenjera pamanairo emvura yacho ngavashandise mukana wehunyoro huriko uhwu,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti dzimwe mbesa dzinogona kutadza kuita zvakanaka saka zvakakosha zvikuru kuti varimi vadyare dzakasiyana zvinopa mukana wakatambanuka wekuti zvimwe zvinogona kuita zvakanaka zvimwe zvoramba.

“Igaroziva kuti varimi vazhinji chikamu chingaite 95% vanorima chibage, zvino nekuda kwemwaka wedu uyu zviri kuda kuti tirime bhinzi nezvimwewo zvirimwa zvidiki kuitira kuti chibage chedu chikatsva zvimwe zvinosvika. Saka tiri kuti hatishandisei mukana wehunyoro uhwu nguva ichiripo,” vanodaro.

VaZakariya vanoti dambudziko ravainaro nderevarimi vanoenda kunotenga mbeu yebhinzi mumigwagwa vachida kuti vazoidyara.

“Tinoti kuvarimi ngavaende kunotenga mbeu yebhinzi mhando chaiyo muzvitoro zvinotengesa mbeu yezvirimwa vorega kutenga bhinzi riya rekudya muzvitoro uyewo ngavarege kutenga bhinzi rose rose. Ngavazive mhando yebhinzi dzavari kutenga nekubvunza zvinodiwa pamarimirwo adzo,” vanodaro.

Vanokurudzirawo kushandiswa kwefeteraiza chaiwo inodiwa muchirimwa chebhinzi.

“Mvura kana iripo ngatiiteiwo mapindu tichirima muriwo nezvimwe zvakasiyana todyara kana dzingava mbambaira nezvimwe zvirimwa zvidiki. Tingabva tati here pamhando dzezvirimwa zvina murimi woshaya chinosvika ipapo? Kunyepa, tinokunda pamwe pacho,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links