Rimai chirimwa chitsva Chia: Boka

06 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Rimai chirimwa chitsva Chia: Boka Mai Rudo Boka Mutambanengwe

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KAMBANI yeBoka Tobacco Auction Floors (BTF)  yakabatana neyeChia Growers Zimbabwe Private (Limited) yokurudzira kurimwa kwechirimwa chitsva chinodaidzwa kuti Chia icho chinonzi hachinetsi kurima sezvo chisingade mishonga nefeteraiza mukurimwa kwacho. 

Mai Rudo Boka Mutambanengwe vanova chamangwiza weBoka Tobacco Auction Floors (BTF) vanoti Chia Zimbabwe iri kushanda  nekambani yavo mukupa mikana kuvarimi vefodya kuti varimewo zvimwe zvirimwa zvinopa mari zhinji.  “SeBoka, takavamba chirongwa ichi chekurimwa kweChia muno takabatana neChia Growers Zimbabwe. Ndisu chete takanyoresa nesangano reAMA kuti titenge chirimwa ichi, chainyanyozivikanwa chichirimwa kune dzimwe nyika dzekumhiri kwemakungwa nemuno muAfrica kunyika shoma. Ichi chirimwa chinogadziriswa zvinhu zvakawanda zvikuru kubvira kune zvakaita semafuta ekubikisa, kudya kwemombe, nguruve nezvimwe nezvipfuyo pamwe nemafuta ekuzora neekubikisa,” vanodaro Mai Mutambanengwe.

VaEdmond Rous

Pamusoro pazvo, chirimwa ichi chinonziwo chinogadziriswa mishonga inorapa yechivanhu, uyewo nemasamba anoiswa musvutugadzike. Vamwe vanodya mhodzi dzeChia dziri mbishi sezvinoitwa nzungu.

Mukuru kuchikamu chezvekurimwa kweChia kukambani yeChia Growers Zimbabwe ndiVaEdmond Rous uye murimisi wacho kuBoka vari VaTendai Muniya (32) avo vava kuzivikanwa nekunzi Chia Ambassador sezvo vachikurudzira kurimwa kwacho munyika muno.

“Ndakatanga kare kutevera marimirwo eChia kunze kwenyika kusvikira nhasi Boka neChia Growers Zimbabwe vazvipira kuti chirimwa ichi chichidzika midzi muno. Chakatangira kuSouth America makore akawanda akadarika. Kubva muchirimwa ichi, tinowana mafuta ekuzora neekubikisa, furawa, hupfu, hupfu hwekubikisa bota nezvimwe zvakawanda,” vanodaro VaMuniya.

VaTendai Muniya vakamira mukati memunda wechirimwa cheChia

Vanotiwo mafuta ekuzora muvhudzi anogadzirwa kubva muchirimwa ichi.

“Mhodzi dzechirimwa ichi dzinoiswawo muchingwa  nemumabhanzi mukugadzirwa kwazvo. Nyaya hombe ndeyekuti tiri kupa mbeu yechirimwa ichi pachena kuvarimi vose vari kuuya kuzotengesa fodya yavo kuno. Tovapa dzidziso pachena yemarimirwo echirimwa ichi icho chinorimwa nguva yose yegore chisingade mvura yakawanda,” vanodaro.

Chirimwa ichi chinonzi chinotora mazuva 120 kuti chiibve uyewo chisingasarudze ivhu.

“Hachidi feteraiza kana mishonga, chinorimwa kuchishandiswa manyowa edu emombe neezvimwe zvipfuyo kana mashizha nehuswa pakuchengetedza hunyoro. Pahekita, murimi anokohwa matani matatu iye angoshandisa mari iri pakati pe$250 kusvika $500 uye pakunotengesa tani inotangira pa$700 kusvika $1 200 zvichisiyana nevanotenga vacho,” vanodaro.

Chirimwa ichi chinonzi chinongodzurirwa sora kana kusasakura nguva zhinji sezvo chinongoita zvakadaro uyewo hachidyiwe netumbuyu.

“Murimi unogona zvako kusakura kamwe chete wowarika huswa mumunda. Chirimwa ichi chinorimwa kubva mumwedzi waNdira kusvika Gumiguru pasina dambudziko uyewo padyo neminda iyi varimi vanogona kuisa mikoko yenyuchi sezvo nyuchi dzichimhanyira zvikuru maruva acho. Kunyika dzekunze, vanoti uku vari kukohwa chirimwa ichi nekumora huchi zvose zvichitengeswa,” vanodaro.

Munyika muno, Boka iri kutsigira kurima kweChia kumatunhu anoti Seke, Chinhoyi neMhangura.

“Mbeu yakawandisa zvikuru munyika iyo takapa vakamirira kupa varimi, ngavauye zvavo vanyorese kurima mbeu iyi nekupihwawo mbeu yacho uye nekudzidziswa pachena zvakare. Chia inorimwa katatu pagore uchingodya mari yako,” vanodaro VaMuniya.

Kukohwa kwacho kunonzi hakunetsi sezvo dzinde racho rinotemwa mhodzi dzacho dzozodonha chirimwa ichi chaoma. Nyika dzinorima Chia dzinosanganisira China, United Kingdom, Ghana, Kenya, America, Australia neMexico.

 

Share This:

Sponsored Links