Rimai dzimwe mbesa: fao

13 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Rimai dzimwe mbesa: fao Sangano reFood and Agricultural Organisation (FAO) riri kukurudzira nyika dziri mudunhu reSouthern Africa kuti dzirime zvirimwa zvakadai semupunga zvinofambirana nekusanduka kuri kuita chikafu chiri kudyiwa nevanhu zvakanyanya mazuva ano pachinzvimbo chekuti vange vachingorima chibage bedzi.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO reFood and Agricultural Organisation (FAO) riri kukurudzira nyika dziri mudunhu reSouthern Africa kuti dzirime zvirimwa zvakadai semupunga zvinofambirana nekusanduka kuri kuita chikafu chiri kudyiwa nevanhu zvakanyanya mazuva ano pachinzvimbo chekuti vange vachingorima chibage bedzi.

Izvi zvinotevera ongororo yeFood Balance Sheet yakaitwa nesangano iri iyo inoratidza kuti nyika imwe neimwe ine sanduko yayava nayo maringe nechikafu chiri kudyiwa kubvira pane chinogadzirwa munyika nechinozonotengwa kunze kwenyika.

Vachitaura pamusangano wakaitirwa kuSouth Africa munguva pfupi yadarika, mumiririri weFAO kunyika iyi – VaLewis Hove – vanoti zvakakosha kuti nyika dzinge dzichiziva mhando uye huwandu hwechikafu chinodiwa nevanhu kuitira kuti paitwe bhajeti rakasimba mukuchengetedzwa kwechikafu chinoringana nenyika.

“Kuwanda kwevanhu mumaguta uye kusanduka kuri kuita raramo yevanhu kumaruwa kuri kuitawo kuti chikafu chinodyiwa nevanhu chisanduke vachitora kudya kwakadai semupunga, macaroni nekumwe kudya kwakareruka (cereals),” vanodaro.

Zvisinei, VaHove vanoti kusanduka kwemhando yechikafu chiri kutorwa nevanhu munyika kuri kuita kuti vamwe vakundikane kuwana kumwe kudya kunovaka muviri.

“Kana tikange taisa zvinhu izvi muzvinyorwa (Food Balance Sheet) zvichabatsira kuti varimi vasangorima chibage chete nekuti tinenge tava kuziva kuti ruzhinji rwevanhu rwunenge rwava kushandisa kumwe kudya kwakasiyana,” vanodaro.

Vanoti vanhu vari mumatunhu akasiyana vari kusangana nematambudziko ekushaiwa kudya kunovaka muviri, zvikuru sei kuvana vadiki nokudaro chikafu chemhando yese chinofanira kunge chichirimwa munyika pasina kurerekera kuritivi rwumwe chete.

“Kuvapo kweFood Balance Sheet kunobatsira Hurumende nevatengesi kuti vange vachiziva huwandu hwechikafu chinodiwa nenyika,” vanodaro.

Chinangwa chemusangano uyu vanoti ndechekuona kuti chikafu chachengetedzwa panguva iyo nyika zhinji dziri kutambudzwa nenzara zvichitevera kusanduka kwemamiriro ekunze, zvikuru mumwaka wa2017-2018.

 

Share This:

Sponsored Links