Rimai fodya nemazvo: Timb

03 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Rimai fodya nemazvo: Timb

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
KAMBANI yeTobacco Industry and Marketing Board yokurudzira varimi kuti vatevedzera zvose zvinodiwa pakurima fodya kuitira kuti ive yemhando yepamusoro izvowo zvinozoita kuti vawane mitengo  yakanaka kumisika kwainotengeswa.

Mashoko aya akataurwa svondo rapera nasachigaro webhodhi reTIMB, Mai Monica Chinamasa, pagungano rekupihwa mibairo kuvarimi vakakunda vamwe mwaka wapera iro rakaitirwa kumusika wekambani yeTobacco Sales Floor Limited (TSF), muHarare.

“Tinofara nechiitiko chiri pamberi pedu nhasi chekupa varimi mibairo yekuratidza hunyanzvi hwavo mukurima fodya. Kurima fodya handi dambe asi kuti kunotodawo kuti murimi ange achitsvaga mazano kubva kunyanzvi dzakaita semadhumeni ari pedyo. Fodya inorimwa zvine hunyanzvi inoita kuti murimi abure ine mashizha akakura ari emhando yepamusoro zvichizoita kuti awane mari yepamusoro zvakare,” vanodaro.

Vanoshora varimi vane katsika kekutengesa fodya yavo nerweseri vachisiya makambani anenge avabatsira nezvekurimisa.

“Murimi akangwara anoziva kwekutengesera fodya yake, haatengesi nerweseri nekuti kune matsotsi akamirira kuita basa iri achibira varimi. Ngatitevedzerei nzira kwadzo dzekutengesa fodya yedu kuburikidza nekunyoresa kwatichada kuzotengesera fodya uye kuendesa fodya yedu kumisika yakaomeswa zvakanaka isina matombo kana zvimwe zvinhu zvisingatarisirwe kuwanikwa mumabhero efodya,” vanodaro.

Vachitaurawo pagungano rimwe chete iri, VaAnthony Mandiwanza vanove sachigaro wekambani yeTobacco Sales Floor Limited vanoti vanofara zvikuru nekucherechedzwa kuri kuitwa varimi avo vakapunduka mwaka wadarika kuburikidza nekuvapa mibairo.

“Ave makore manomwe tichiita mabiko erudzi urwu uye tinotenda varimi vemuno kuti vari kuramba vachidadisa. Nekunaya kwakaita mvura mwaka uno, tinotarisira kuti tichawana fodya yemhando yepamusoro zvakare,” vanodaro.

Zvakadai, Mai Ethel Mhindurwa vekuUmvukwe Flats, Plot nhamba 8 kuMvurwi ndivo vakatora mubairo mukuru  wekurima fodya mwaka wadarika.

Mudzimai uyu akaenda kumba netarakita uye mubairo uyu waikotsverwa nebhanga reBarclay’s Bank of Zimbabwe.

Mimwe mibairo yakahwinhwa nevarimi yaitsigirwa nemakambani anosanganisira MoneyMaker Irrgation Pumps, First Mutual Life nebhanga reCommercial Bank of Zimbabwe (CBZ).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey