Rimai mbambaira: zfu

02 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Rimai mbambaira: zfu VaPaul Zakariya

Kwayedza

Kingstone Mapupu
SANGANO rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union rokurudzira kuti vashandise mukana wemvura zhinji iri kunaya kumativi mana enyika kurima mbambaira kutsiva zvimwe zvirimwa zvakatsva nezuva senzira yekudzinga nzara mudzimba dzavo uyewo nekuti vazokwanisa kutengesa vachiwana mari nekuriritira mhuri.

VaPaul Zakariya vanova ZFU executive director, vanoti varimi ngavasamirire kurima zvirimwa zvimwe chete muminda yavo asi kuti varime zvekutsiva zvakatsva.

“Tose tinoziva sevarimi kuti kwakaita zuva rakashura mare kumatunhu ose enyika nedzimwe nyika dzekunze. Hatisi toga takatsvirwa nezvirimwa asi kusanganisawo nyika dzakatikomberedza. Hezvoka, mvura yakauya saka tiri kuti ngatidyarei mbambaira nezvimwe zvirimwa zvinosvika nemvura iyi,” vanodaro.

VaZachariya vanoti kune mimwe minda yakatsva zvirimwa zvekuti varimi havana chavachabura iyo vanogona kurima zvimwe zvakadai sembambaira.

“Handione chikonzero chekuti murimi anochengeta munda uzere mashanga akaoma iyo mvura ichinaya kudai. Tine mbambaira dzemhando yakasiyana dzinokurumidza kuibva nembeu yebhinzi yemukadziusaende inokurumidza kusvika nezvimwewo zvirimwa. Saka ngatidyarei tisatarire zvakatsva sezvo ava manyowa,” vanodaro.

Mbambaira inoshandiswa kudya vanhu vachinwa nesvutugadzike uyewo nekutengesa varimi vachiwana mari.

“Tikashanda nevarimisi vedu zvakanaka tinowana mbeu yembambaira iri kubva kunyika dzatakavakidzana nadzo inokurumidza kusvika zvikuru iine kudya kunovaka miviri. Mbeu iyi inokura zvinoita kuti varimi vazokwanisa kuitengesa nemutengo uri pamusoro,” vanodaro.

VaZakariya vanoti mimwe minda mizhinji yematoro yakazara mvura nekudaro vanokurudzira kuti irimwe mbesa dzakadai semuriwo, matomatisi, derere nezvimwe izvo zvinosvika muchirimo varimi vachingodya uyewo nekutengesa.

“Zvirimwa zvatinodyara mumapindu edu kuburikidza nemvura iyi zvinosvika kupera kwegore zvichingoibva apo tinozoshandisa mvura yemumatsime nemumadhamu kudiridza zvirimwa zvedu,” vanodaro VaZakariya.

Vanoyambirawo varimi nekuda kwezvirwere zvinowanikwa muzvirimwa munguva ino yekunaya kwemvura.

“Tine nzvimbo dzanga dzichiwanikwa makonye anodya zvirimwa netumwewo tumbuyu. Nekudaro zvakanaka kuti varimi vapote vachipinda muminda yavo vachiona mamiriro akaita zvirimwa uyewo nekushandisa mishonga inouraya tumbuyu nemakonye avanoona muzvirimwa zvavo.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey