‘Rimai mbesa diki’

02 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
‘Rimai mbesa diki’

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARIMI vokurudzirwa kurima mbesa diki dzinoshingirira muzuva dzakadai semufarinya zvichitevera kusanduka kwemamiriro ekunze uko kuri kukonzera kushomeka kwemvura inonaya mumwaka wezhizha.

Nyanzvi munyaya dzezvekurima – VaJohnson Muzarurwi avo vanove agricultural analyst – vanoti kurima mbesa dzakadai semufarinya kunobatsira zvikuru kuti varimi vawane kudya kunovaka miviri uyewo nekuvawanisa mari kuburikidza nekutengesa.

“Ngatisiyanei nekujaira kurima zvirimwa zvimwe chete nguva dzose, hatimboedzaiwo zvimwe zvirimwa zvakaita semufarinya chinova chirimwa chine mukurumbira mukuru pasi rose uyewo chisinganetsi kurima sezvo chichishingairira muzuva,” vanodaro.

Vanoti nekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze zvichikonzera kusanaya zvakanaka kwemvura, zvave kuda kuti varimi vavandudze mabasa avo nekurima mbesa dzakasiyana.

“Hatisi kuti tisarime chibage chedu chatagara tichirima kana zvimwe zvirimwa zvedu zvepasichigare, asi hatisanganiseiwo nezvimwe zvakaita saiwo mufarinya uyo unorimwa pasi rose,” vanodaro.

Mufarinya chirimwa chinoshingirira muzuva icho chisinganetse kurima uyewo chisingade zvakawanda zvekurimisa.

VaMuzarurwi vanoti mufarinya unodyiwa wakadaro kana kuugaya kuita hupfu hwekubikisa sadza.

“Kune dzimwe nyika dzepasi rino, chikamu chechirimwa ichi chinoita 30% varimi vanoshandisa sekudya kunodyiwa mazuva ose, izvowo tinokurudzira muno muZimbabwe kuti dai taitawo zvimwe chete,” vanodaro.

Vanopa muenzaniso wemwaka uno wezhizha vachiti hausi kunaya mvura zvakanaka uye varimi vanogona kupunduka kana vakarima mbesa diki.

“Nyika inorima chirimwa ichi kudarika dzimwe pasi rose iNigeria uko mufarinya unorimwa zvekuti pagore vanokohwa matani ari pakati pe33 miriyoni ne34 miriyoni. KuNigeria mufarinya chirimwa chinogadziriswa zvinhu zvakawanda uye chimwe chichitengeswa kunyika dzekunze dzakaita seChina,” vanodaro.

Zvakadai, dzimwe nyika dzinorima mufarinya zviri pamusoro dzinosanganisira Thailand, Indonesia, Brazil, Ghana, Tanzania, Malawi, Mozambique neDemocrati Republic of Congo.

“Chirimwa ichi chinokwanisa kuti varimi vakohwe goho rinotangira matani gumi pahekita kusvika kumatani makumi mashanu zvichisiyana nemarimiro acho uye chinotora mwedzi misere kusvika kugore kuti chisvike zvakanaka, “ vanodaro.

VaMuzarurwi vanoti kune mhando dzembeu dzechirimwa ichi dzinodarika makumi mana zvisinei kuti pane shoma dzinonyanya kukurudzirwa kurimwa dzinosanganisira TMS 30572, TMS 50395 neTMS 30001. Vanoti mufarinya haunyanye kubatwa nezvirwere sezvinoita zvimwe zvirimwa uyewo unokwanisa kukohwewa wochengetedzwa kwenguva ndefu.

Share This:

Sponsored Links