Rimai mbeu yakauchikwa: Shiri

23 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Rimai mbeu yakauchikwa: Shiri Rtd Chief Air Marshal Shiri vachiedza kutasva rimwe remabhasikoro akapihwa kumadhumeni neSeed Co apo VaDenias Zaranyika (kuruboshwe) nevamwe vaive vakatarisa.

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa naGamuchirai Muzanenhamu
GURUKOTA rebazi rezvekurima nekugariswa kwevanhu patsva kumaruwa, Retired Chief Air Marshal Perrance Shiri, vanoti zvakakosha kuti varimi varime mbeu yakauchiukwa kuitira kuti vawane goho guru.

Vakataura mashoko aya nemusi weChipiri svondo rino pagungano revarimi rakaitirwa kuRattary Arnold Research Station, kuGoromonzi.

“Varimi tinoda kuti murime mbeu yakauchikwa kuti goho renyu rikure nekuti kurima kwenyu mbeu yakauchikwa kunoita kuti zvekudya zviwande uye zvirwere zvinoita zvishoma muzvirimwa,” vanodaro.

Vanoti varimi vakakosha zvikuru munyika sezvo kurima uriwo musimboti webudiriro yeZimbabwe.

“Kurima kuri kuunza budiriro munyika yedu ndosaka tiri kuedza nepose patinogona napo kuti varimi vawane zvose zvavangade kushandisa,” vanodaro Rtd Chief Air Marshal Shiri.

“Nyika yose inotarisira kuti imi varimi muipe zvekudya kuburikidza nekurima ndosaka isu seHurumende tiri kushanda pamwechete nemi varimi nemakambani akaita seSeed Co.

“Ticharamba tichikubatsirai pane zvose zvamungada, kusanganisira zvikwereti uye michina yekurimisa.

“Asi ndinoda kuti nditaure kuti pazvikwereti apa vaya vanenge vakapedza kubhadhara zvegore rakapera kana mamwe makore akapfuura ndivo vatichapa zvimwe zvikwereti saka garai mapedza zvikwereti zvenyu kuti musazonyunyuta kuti vane hudyire kana wanyimwa.”

 

Rtd Chief Air Marshal Shiri vachitaura pagungano revarimi.

Vanoti vanotenda zvikuru Seed Co nebasa guru rairi kuita rekuti nyika ive nemaguta kuburikidza nekuwanisa varimi mbeu yakauchikwa.

“Ndinoda kutenda veSeed Co nebasa guru ravari kuita rekuuchika mbeu nekuti imi sevarimi munokwanisa kutsvaga mbeu yaunoda pane dzese dzavanadzo morima, mokohwa zvakanaka saka tinovatenda chaizvo veSeed Co,” vanodaro Rtd Chief Air Marshal Shiri.

Vanotiwo vanhu ngavasiyane netsika yekugara pamwe nekurima pasingatenderwe nemutemo.

“Ini ndiri kuda kuti vaya vane tsika yekungogara nekurima pasingabvumirwe siyananai netsika iyoyo nekuti unozochema wabviswa.

“Vanhu ngatigarei zviri pamutemo torima zvakanaka pasina anotikanganisa,” vanodaro.

Zvakadai, vachitaurawo pagungano iri, chamangwiza vekambani yeSeed Co – VaDenias Zaranyika – vanoti vakazvipira kuramba vachitsigira varimi kuburikidza nekuvawanisa mbeu yakauchikwa.

“Tiri kuzviziva kuti mitengo yezvekushandisa pakurimisa iri kuramba ichikwira uye tiri kushanda nesimba kuti tibure mbeu dzisingade fetereza yakawanda kuitira kuti muwane goho guru.

“Chivimbisoo chedu ndechekuti tisawanikwe kudivi kwedu tichitadzisa budiriro yemurimi,” vanodaro.

Pagungano iri, Seed Co yakapawo chipo chemabhasikoro 20 kumadhumeni  kuitira kuti vakwanise kuita basa ravo zviri nyore.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey