Rimai muchando kurwisa kupararira kweFall armyworm

10 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Rimai muchando kurwisa kupararira kweFall armyworm Gonye reFall armyworm rinodya zvirimwa zvinosanganisira chibage

Kwayedza

VARIMI vane madiridziro vokurudzirwa kukoshesa kurima mumwaka wechando senzira yekuderedza kupararira kwegonye rapedza zvirimwa reFall armyworm.

Tsvagurudzo yakaitwa nebazi rinoona nezveminda, kurima nekugariswa kwevanhu patsva kumaruwa inotaridza kuti rukonye urwu rwakaparadza zvirimwa pazvimbo yakatandavara mahekita 150 000 kubva muna Ndira wegore ra2016 kusvika parizvino.

Provincial crop and livestock officer kudunhu reMasvingo – VaPeter Chamisa – vakataura mashoko aya kuvatori venhau nguva pfupi yadarika vachiti kurima kwemuchando ndeimwe nzira yekuderedza kuberekana kweFall armworm.

“Gonye iri ranetsa zvakanyanya kuvarimi mudunhu reMasvingo pamwe chete nemunyika yose zvayo. Zvisinei netsvagurudzo dzatakaita, takaonawo kuti kukasira kurima muchando ndeimwe nzira yekupedza kupararira kwegonye iri. Nguva yechando gonye iri ndipo parinenge rava pachidanho chekukandira kuti ribereke mamwe. Panguva iyi, kana parimwa rukonye urwu ndipo parunodyiwa neshiri zvakanyanya nekuti kune shiri zhinji dzinoridya richiri pachidanho ichi. Kudyiwa uku kunoita kuti riderere sezvo rinenge risati rasvika panguva yekuti rizokandira zvakare,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kunze kwekurima munguva yechando uku, Hurumende — yakabatana nesangano reFood and Agricultural Organisation (FAO)  — yakadzidzisa varimisi nevarimi vanosvika 500 maererano nekushandiswa kwemishonga inoparadza gonye iri. Tinotarisira kuti vachataura nevari kufambisa Command Agriculture kuti vadzidzisewo varimi vari muchirongwa ichi kushandiswa kunoitwa mishonga yekuuraya pamwe nekuderedza Fall armyworm nekupfeka zvipfeko zvekuzvidzivirira pakushandisa mishonga yacho.”

Tsvagurudzo yakaitwa neFAO nguva yadarika, inotaridza kuti gonye reFall armyworm rinokwanisa kuparadza mhando 80 dzezvirimwa.

VaChamisa vanoti kupararira kwegonye iri zvakanyanya kunokanganisa zvikuru hurongwa hwekuti munyika muve nechikafu chakawanda uye chinokwana kugutsa Zimbabwe yose.

“Kupisa mashanga ezvirimwa kana zvakohwewa uye kurima muchando kunodarika kushandisa mishonga pakuti pakupisa nekurima apa gonye rinobva rafa zvekuti harizokwanise kuramba richishanduka kusvika apo rinokandira mazai ekubara mamwe makonye zvakare. Varimi vanogonawo kudzivirira zvakare gonye iri kupfurikidza nekuchinjinisa zvirimwa zvavo muminda nguva nenguva (crop rotation). Vanokwanisawo kufafaidza mishonga muivhu ravo kuitira kuti gonye iri risaramba richipararira,” vanodaro VaChamisa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey