‘Rimai zvine ungwaru’

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
‘Rimai zvine ungwaru’ VaAliki Aliki

Kwayedza

Adrian Mawurukira
VARIMI vokurudzirwa kutevedzera nzira kwadzo dzekurima nedonzvo rekuti vawane goho guru.

Kurudziro iyi yakapihwa naVaAliki Aliki vanova Arex supervisor kuwadhi 6, 7 ne9 svondo rapera kuMarirangwe, kuBeatrice pagungano revarimi rekumema zvirimwa zvepapurazi reKefalos.

“Chinoita kuti murimi abudirire pabasa rake kugona kuronga, kutanga kugadzirira ivhu rake mwaka wekudyara mbeu usati wasvika iyo yatinoti winter plough,” vanodaro.

“Tsika yekurima yakanaka yatinoti agronomic best practice muchiRungu, inosanganisira kuongororwa kwevhu kuti paonekwe kudya kuri muvhu uye kuti feteraiza ingashandiswe pambesa inge yakakodzera nemwero wacho. Izvi zvinozivikanwa chete kana vanamazvikokota vatarisa kuvavira kunoita ivhu redu yatinoti  PH,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Varimi vanofanira kutenga mbeu kubva  kune makambani anozovikanwa nekuuchika mbeu.”

Vachitaurawo pachiitiko ichi, VaChamunorwa Musa vanova Arex extension supervisor kuwadhi 10, 11 ne12 kuMarirangwe kwakare vanokurudzira varimi kutora kurima sebhizinesi.

“Kurima zvakangofanana nemakambani, ibhizinesi kutanga pakuronga basa nekuona kuti zvekushandisa zvawanikwa nenguva. Tisangoita mawira mombe zvekuti murimi anoguma atadza kubhadhara vashandi kana kushaya feteraiza inoenderana nemunda wake,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey