Rondedzero chimbori chii?

02 Feb, 2018 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
ZVIROKWAZVO gavi rinobva kumasvuuriro. Izvi zvinoreva kuti kuita kwevana kunobva kuvakuru vavo. Zvakadarowo kuita kwevana vechikoro kunobvawo kuvadzidzisi vavo nezviverengwa zvavanosangana nazvo mukudzidza kwavo.

Kana gavi rakasimba zvinoreva kuti neparichanoshandiswa pacho pachagara pakasimba. Ndizvo zvimwe chetezvo nevana vechikoro avo vanoda dzoreredzo yedu kuti zvatinovadzidzisa vagozogona kuzviburitsa zvakadaro kana vosangana nebvunzo.

Chikamu chakapfuura takataura tichiti ngatirigamhei richabva Hwedza tichirevera kuti tinofanirwa kuti tigare taonesa vana vachanyora bvunzo kuti zvavachasangana nazvo zvinenge zvakambomira sei.

Muchikamu chino tinoda kuti titarise kwatinofanirwa kusimbira mukuita chiShona chedu kuitira kuti tisazowanikwe tisina kupa vana dzidziso yakakwana.

Tati titange nerondedzero idzo dzinoburitsa ugo hwemwana mukuedza kwake kushanda nechiShona chakatwasuka chamandorokwati. Taramba kuzoda kukodzera Bhandomu pamariketi nekuti huswa hwezuva rimwe hahuna shanduko yarwunopa kuchipfuyo asi kuti kugara waikodzeka unenge watopedza zvehupenyu hwose.

Tinoda kuti tibate nyaya yerondedzero kotoro ichatanga kuti tizive chaizvo zvinobata mbariro dzepfungwa dzevakwenyi vebasa kuti tigogona kukwezva goho guru. Zvino kana vachinge vadzidziswa vana ava kutaika kwavo kunoita kushoma.

Tinoda kutanga nekuziva kuti rondedzero chimbori chii.

Rondedzero chinyorwa chine nhongwa dzakawanda uye chinyorwa ichi chinotaura pamusoro pezvinhu mupfungwa dzinotevedzana. Chinyorwa ichi chinogona kunge chichitaura pamusoro pezvinhu zvaunenge wakaona kana kuti zvawakanzwa kana zvawakaverenga.

Rondedzero inogona kuuya pamusoro pekutsanangudza mamiriro akaita chinhu kana kutsanangudza munhu waunozivisisa.

Unogona kunyora zvinhu zvakaitika kumahumbwe, kubhora, kumuchato kana musango chaimo.

Chinodiwa kuva neugo hwekuburitsa pfungwa dzakachenjera dzako wega dzisina kumbobva kune chero munhu. Ugo hwemunyori hunozonyanyo buda mukushandisa mutauro wakakodzera unoerera semvura.

Pfungwa dzauchanyora dzinofanirwa kunge dzichinyatsotevedzana asi dzichitaura chinhu chimwechete. Chinyorwa ichi chinoiswa muzvikamu zvikamu zvakakochekerana sengetani dzegejo. Chikamu chega chega chinenge chine nhurwa dzacho chega asi zvichidondana nemusoro wenyaya.

Rondedzero inoda kungwarira pakusarudza musoro wenyaya kubva parundaza rwakapiwa. Ndiko kuti munyori asazonetsekana nekuvaka zvikamu. Mwero wezvikamu unoenderana nekupamhama kwepfungwa iri kuda kutaurwa nezvayo. Hazvidi kuti munhu agozopererwa nezvekunyora achiri pakati nekuti pfungwa dzinosvika padzinogumirwa kana usina ruzivo rwakakwana pamusoro pemusoro wawasarudza.

Kugona rondedzero hakungouyi musi mumwechete asi kuti zvinotoda kuramba munhu achidzidzira sezvazvinoitwa kumasvomhu. Kumasvomhu kune nzira dzinoshandiswa mukunyora nekuhwerengedza kusvika pakuwana mhinduro inenge ichidiwa.

Ndizvozvo nerendedzero. Dzine muronga wadzo wadzinofanirwa kutevedzera zvichienderana nemhando yacho yaunenge wasarudza.

Dzinouya nepakasiyana-siyana rondedzero zvekuti kana wakadzidzira zvakakwana haushayi yako yaunodherera. Chakaipa kutora pfungwa dzemumwe munhu wodzinyora serondedzero yako. Unogona zvakare kutoita rombo rakaipa wosangana nemukwenyi webasa akaverengawo chinyorwa chawadzura unobva wawira mumadhaka uchibatwa nemhosva yekutora chinyorwa chemumwe (plagiarism).

Misoro ingafanana asi pfungwa ngadzisiyane nekuti mafungiro haafanane zvekuita mazwi nemashoko anotsitsana. Chinhu chikuru chaunofanirwa kuita apa kugadzira chiumbwa mumusoro icho chaunofanirwa kuputira nemashoko anofadza anoita kuti mukwenyi webasa akabhedhenura anobuda nenyemwerero inozadza mukombe.

Vana ngava ngwarire kusabuda mugwara nekuti hakuna chavanobura nekubuda mugwara.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey